Ozil orambira kuArsenal
MESUT Ozil acharamba kuendeswa kune chimwe chikwata nechikwereti munaNdira uno sezvo achida kurwira chinzvimbo chake kuArsenal.
Chizvarwa chekuGermany ichi change kurakidza kuti hachichakwane muchikwata chekuEmirates mumwedzi yadarika, uye ange achipinda achingobuda muchikwata chaUnai Emery.
Mashoko akawanda akabuda zvichitevera kusiiwa kwaakaitwa mumutambo weLiverpool kuti sei asina kutamba, asi Arsenal yakazotaura kuti mutambi uyu ainge akakuvara.
Apo zviri kunzi zvikwata zvakawanda zvinoda kutora mutambi uyu uyo akahwinha mukombe weWorld Cup - nechikwereti pane mashoko anoti Ozil acharamba kuenda kune zvese.
Ozil ari kuda kurwira kuti adzoke muchikwata agove achitamba svondo rega rega kuArsenal.
Zvichitevera kukuvara kwaakaita kwakasiyana, Emery akambosiya mutambi uyu pane mimwe mitambo kunyangwe hazvo akambodzoswa mumutambo weBurnley uyo vakahwina 3-1 ndokuhwina mubairo weman of the match.
Shasha yakambonetsa ichitambira Arsenal kare, Emmanuel Petit, akashora kusatambiswa kwaOzil achiti mutambi uyu ange ari chipoko kwemakore maviri asingaonekwe.
Kutatarika kwake kwakaenderera mberi paBoxing Day apo akaburitswa mumutambo wechikwata chake neBrighton pahalf-time mumutambo uyo wakazopera ari mangange 1-1.
Mutambi uyu akambotambira Real Madrid akasayina kondirakiti itsva gore radarika iyo iri kumuona achitambiriswa £350,000 pasvondo kuEmirates asi haasi kunyatsodzora mari iyi zhinji yaari kutambiriswa. - SportsMail Football