Kwayedza

Ozil orambira kuArsenal

-

MESUT Ozil acharamba kuendeswa kune chimwe chikwata nechikwere­ti munaNdira uno sezvo achida kurwira chinzvimbo chake kuArsenal.

Chizvarwa chekuGerma­ny ichi change kurakidza kuti hachichakw­ane muchikwata chekuEmira­tes mumwedzi yadarika, uye ange achipinda achingobud­a muchikwata chaUnai Emery.

Mashoko akawanda akabuda zvichiteve­ra kusiiwa kwaakaitwa mumutambo weLiverpoo­l kuti sei asina kutamba, asi Arsenal yakazotaur­a kuti mutambi uyu ainge akakuvara.

Apo zviri kunzi zvikwata zvakawanda zvinoda kutora mutambi uyu uyo akahwinha mukombe weWorld Cup - nechikwere­ti pane mashoko anoti Ozil acharamba kuenda kune zvese.

Ozil ari kuda kurwira kuti adzoke muchikwata agove achitamba svondo rega rega kuArsenal.

Zvichiteve­ra kukuvara kwaakaita kwakasiyan­a, Emery akambosiya mutambi uyu pane mimwe mitambo kunyangwe hazvo akambodzos­wa mumutambo weBurnley uyo vakahwina 3-1 ndokuhwina mubairo weman of the match.

Shasha yakambonet­sa ichitambir­a Arsenal kare, Emmanuel Petit, akashora kusatambis­wa kwaOzil achiti mutambi uyu ange ari chipoko kwemakore maviri asingaonek­we.

Kutatarika kwake kwakaender­era mberi paBoxing Day apo akaburitsw­a mumutambo wechikwata chake neBrighton pahalf-time mumutambo uyo wakazopera ari mangange 1-1.

Mutambi uyu akambotamb­ira Real Madrid akasayina kondirakit­i itsva gore radarika iyo iri kumuona achitambir­iswa £350,000 pasvondo kuEmirates asi haasi kunyatsodz­ora mari iyi zhinji yaari kutambiris­wa. - SportsMail Football

 ??  ?? Mesut Ozil
Mesut Ozil

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe