Kwayedza

Gudo pweshe murusero

- Kingstone Mapupu

CHEMBERE yekwaMureh­wa iyo yaidyara chibage ichibatsir­ana nevanhu vemaricho yakabereka tsoka kutiza mumunda nevamwe vayo apo horomba yegudo yakasvikog­ara murusero rwaiva nembeu, ndokutanga kuringarin­ga yakadendem­ara imomo.

Mbuya Madhori (60), vemubhuku raMhembere, kwaMambo Mangwende

— avo vaiva chinhambwe nevamwe vanhu vavaidyara navo chibage apo mashura aya akaitika — vanoti vakashamis­wa kuona gudo ragara murusero rwaiva nembeu. Vanoti havana kuona kwarakabva nako uyewo harina kuratidza kana kutya.

“Ndaidyara chibage ndiri kwangu ndoga mumunda wangu ungangoita eka apo ndaiva ndakaisa mbeu murusero kugotsi kwangu padyo-pedyo neni. Ndakazongo­erekana ndonzwa ruzha padyo neni ndokuzoche­uka ndikaona horomba yegudo rakanditar­isa rigere murusero.

“Rainge rakanyatso­pfunya chisero riri mukati uye rakagumbat­a.

“Ini ndakavhund­uka zvikuru nezvaiitwa negudo iri ndikatombo­da kutiza asi ndakatadza kana kusimudza gumbo nekutya. Pava paye, rakazonoko­ra chibage ichi nemawoko ose ndokumbomi­ra rakadaro, apo rakazotang­a kudya rakandiyev­a pasina kutya,” vanodaro.

Ambuya ava vanoti vakazoita chivindi ndokuzonho­nga dombo mumunda umu iro vakaripots­era vachida kuritema asi rakanzveng­a ndokuzosim­uka murusero muya rokanyaira nepakati pemunda richienda.

“Handina kuzomboend­erera mberi nekudyara chibage ichi sezvo ndakanga ndofunga zvinhu zvakawanda. Ndakangoti raiva ratumwa kuzotora mbeu mumunda mangu nevaroyi vanoshandi­sa divisi pakurima.”

Vanoti gudo chairo remusango rinofanirw­a kutya vanhu kwete iri ravanoti rakaita sekunge rakadonha mudenga sezvo pasina akaona kusvika kwaro.

“Ndiyaniko akakutauri­rai nyaya iyi, ndivo vanhu vemaricho vaiva pano here? Handidi kuti nyaya iyi ibude kani, ndinonyara. Ndinoti aya mashura nekuti ndakazonzw­a shoko renhamo yehanzvadz­i yangu yakangodon­ha kwaMutare ndokufa asina kurwara. Ini ndine BP, ndikasara ndichirwar­a ndichifa ndinoti ndimi vatori venhau madariso,” vanodaro.

Mbuya Madhori vanoti mbeu yechibage yaiva murusero vakazotya kuramba vachiidyar­a zvekuti vakangoich­engeta nanhasi.

Muzukuru wavo, Fungai Madhori (31) anotsinhir­a nyaya yegudo iro raanoti rine chekuita nekuroya.

“Hakuna gudo rakadaro. Kana raidaka chibage raingodya chete, ko kuzogara murusero? Uku kutora chikafu mumunda bedzi,” anodaro.

Marko Munyawiri (30), uyo anova mushandi wepamusha apa, anoti nyaya iyi kana nanhasi inovavhund­utsa nekuti havazive kuti gudo iri chinangwa charo chaiva chei.

“Aya mashura nekuti muno hamuna kumbobvira makaitika zvinhu zvakadaro. Hamheno, pamwe rine munhu akarituma, kana vari gogo vari kufungisis­a pamusoro pezvakaiti­ka izvi,” anodaro.

Kuchiti Mbuya Alice Kwenda Masoko (60) vekuLochnv­ar, muguta reHarare, avo vanove nyanzvi yezvechiva­nhu vanoti iri harisi gudo remusango, asi kuti rakatumwa kuzotora zvi- rimwa.

“Munda uyu haumbofa wakaita chikafu, chakatotor­wa kare kuenda kumuridzi wegudo iri. Mhuri iyi inofanirwa kufamba kugadziris­a munda uyu kuti vadzose chibage chavo.

“Zvakare, gudo rinoshandi­swa kutumwa kunoreva zvikwereti kana kutevera mhosva dzakasiyan­a saka hatizive kuti iyo mhuri iyi hainawo here vanhu vavakambon­etsana navo. Kana varipo, ngavagadzi­rise,” vanodaro.

 ??  ??
 ??  ?? Mbuya Madhori
Mbuya Madhori
 ??  ?? Fungai Madhori Mifananidz­o naEdward Zvemisha
Fungai Madhori Mifananidz­o naEdward Zvemisha
 ??  ?? Marko Munyawiri
Marko Munyawiri
 ??  ?? Mbuya Alice Kwenda Masoko
Mbuya Alice Kwenda Masoko
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe