Kwayedza

‘Nyoka yeraki yandishupa’

- Hazel Marimbiza ari kuESIGODIN­I

“MAPURISA, mapurisa! Ndauya kuzosiya nyoka yangu yeraki iyi kwamuri, ini yava kundinetsa. Zvayava kuda handichazv­ikwanisa . . .”

Mapurisa anoshandir­a paZRP Esigodini Police Station, kudunhu reMatabele­land South, svondo rapera akasara asina nechekutau­ra apo mumwe murume akasvika nenyoka yaainge akamonera muhuro make achiti ndeyake uye aida kuisiya pakamba apa sezvo ari kuti haachakwan­ise kuramba achiicheng­eta.

Murume uyu anoti zvava kudiwa nenyoka iyi — kusanganis­ira zvainodya — haachazvig­ona zvisinei nekuti agara nechikara ichi kwenguva refu achichisev­enzesa semushonga weraki.

Murume uyu — uyo anongozvit­i Felex — anobva kuHabane Township akachema-chema kumapurisa achivakumb­ira kuti vatore nyoka iyi.

Felex ari kuti ava nemakore akawanda achigara nenyoka iyi murunyarar­o asi hondo yazotanga apo ave kukundikan­a kuipa chikafu chainoda uye chainoguta.

Mumwe mupurisa pakamba iyi, uyo anokumbiri­sa kuti zita rake risadurwe sezvo mutemo webasa rake usingamute­ndere kutaura nevatori venhau, anoti, “Felex agara nenyoka yake kwemakore sezvo achivimba kuti inomupa mhanza yakanaka mune zvose zvaanoita muupenyu hwake. Munguva pfupi yadarika, nyoka iyi yakatanga kumushungu­rudza nekuti yange isingachag­uta chikafu chainopihw­a.

“Auya nenyoka iyi kukamba yedu ndokukumbi­ra kuti timuchenge­tere. Anoti haasisina chikafu chekuipa nekudaro yave kumushungu­rudza.”

Zvisinei, mutauriri wemapurisa kudunhu reMatabele­land South, Philisani Ndebele, vanotsinhi­ra nyaya iyi.

“Takamuudza kuti atore nyoka iyi aende nayo kune vebazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (Zimparks),” vanodaro.

Asi mutauriri weZimparks, VaTinashe Farawo, vanoti hapana nyoka yakaunzwa kubazi ravo nemunhu uyu.

 ??  ?? Felex aine nyoka yake
Felex aine nyoka yake
 ??  ?? VaTinashe Farawo
VaTinashe Farawo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe