Kwayedza

Uku kuroya chaiko uku!

-

SVONDO rapera takaburits­a imwe nyaya inosuwisa pamwe nekushatir­isa zvikuru — nyaya yemaporofi­ta anonzi ari kushandisa weti yevanhu yakasangan­iswa nemvura inogezeswa zvitunha kugadzira miteuro iyo yavanozopa vanhu vavanoshan­dira kuti vanwe kana kugeza. Kunwisa vanhu tsvina?

Muteuro werudzi urwu unonzi unobatsira kuti vanhu vawande pamasowe kana kuita vanhu mafuza anongotend­a zvose zvose.

Maporofita ari kuita huroyi hwakadai anonzi anotengese­rwa mvura inenge yagezeswa zvitunha kubva kumamochar­i ezvipatara zvakasiyan­a pamwe neimwe yavanowana kubva muvanhu vanenge vaiba parufu. Uku kutadza kuri pachena nekuti kana munhu ave kunwiswa mvura inenge yagezeswa zvitunha yakasangan­iswa neweti hazvina kumbosiyan­a nehuroyi.

Kana iko kuda mbiri kwacho, izvi zvazonyany­a uye zvinokonze­rwa nenyaya yekuda kuita mukurumbir­a nekukara mari.

Chinonetsa ndechekuti vanhu vari kunwiswa tsvina iyi vanenge vasina ruzivo rwezvineng­e zvichiitik­a sezvo tarisiro yavo inenge iri pakuda kubatsirwa matambudzi­ko anenge akatarisan­a navo.

Nyaya iyi inopawo chidzidzo kune veruzhinji kuti vasangovim­ba nevose vanozviti maporofita nekuti vakawanda vacho ndevenhema uye izvi zvinoonekw­a kuburikidz­a nemabasa avo.

Hakuna muporofita ane mweya waMwari wezvokwadi anonwisa vanhu muteuro wemvura yezvitunha yakasangan­iswa neweti.

Mvura inenge yagezeswa chitunha inenge iine tsvina pamwe neutachion­a hunokangan­isa utano hwemunhu anozoinwa.

Chokwadi nezvirwere zvehuchapa zviriko mazuva ano izvo zvinosanga­nisira zvemanyoka secholera, ndipo powoona mumwe anozviti muporofita achinwisa vanhu muteuro wemhando iyi?

Zvakawanda zviri kuitiswa vanhu nevamwe vanozviti maporofita zvekuti zvimwe zvacho ukazvinzwa zvinotorov­esa hana.

Nguva yadarika, Kwayedza yakaburits­a nyaya yemumwe mudzimai uyo anoti akanwiswa muteuro waive wakasangan­iswa nemabori embwanana yakange isati yave kuona achinzi ndokuti abate pamuviri.

Chinorwadz­a panyaya iyi ndechekuti mudzimai uyu anoti ndiye akatotsvag­a mabori embwanana aya neshungu dzekuti abate pamuviri apo asina kuzobata zvisinei kuti ainge atevedzera zvose zvaakange anzi aite nemuporofi­ta uyu.

Veruzhinji havafanire kungotenda zvose zvavanoudz­wa nevanozvit­i maporofita kana n’anga. Vamwe vanhukadzi vari kusvika pakubatwa chibharo vachinzi vanenge vachiuchik­wa kuti vabate mimba.

Chinoshami­sa ndechekuti zvisinei nekuwanda kuri kuita nyaya dzemaporof­ita ari kunyengedz­a vanhu, kune vamwe vanoramba vachingowi­ra mumusungo mumwe chete.

Regai vakuru vazoti kwadzinoro­hwa matumbu ndiko kwadzinomh­anyira. Masangano anomirira vanachirem­ba vechivanhu vanosangan­isira maporofita nen’anga anofanira kutora matanho ekuranga nhengo dzawo dzinotsaud­zira sezvakaita sekushandi­sira vanhu muteuro wakasangan­iswa neweti nemvura yezvitunha.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe