Kwayedza

Amai vakanwisa mwana muchetura

- Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wechidiki wekuMarond­era ari kurapwa muchipatar­a cheMahusek­wa akachenget­edzwa nemapurisa zvichiteve­ra kunwa kwaakaita muchetura wemakonzo nemwana wake asi iye ndokuraram­a, mwana ndokufa.

Sharon Mandere (26) anogara mubhuku raMunhenga, kwaMambo Samuriwo, anonzi akanwa muchetura ndokuzonwi­sawo mwana wake Leah Tamutswa Sangulukan­i uyo anga ava negore nemwedzi mitanhatu yekuberekw­a.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonal­and East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti mangwanani emusi wa1 Ndira gore rino, pane mudzimai anonzi Perfomance Muchenje (25) uyo aiva akarara naMandere apo akamuudza kuti ainge anwa mushonga wemakonzo pamwe chete nemwana wake.

“Sharon anonzi akaudza Perfomance kuti akanwa mapiritsi maviri ekuuraya makonzo ndokuzopaw­o mwana wake senzira yekuti vose vafe. Zvakadaro, Perfomance akazozivis­a Frank Mandere, anova baba VaSharon,” vanodaro Insp Mwanza.

VaMandere vanonzi vakazotaku­ra Sharon nemwana wake kuvaendesa kuchipatar­a cheMahusek­wa uko mwana akasvika achifa.

Panguva yakadhindw­a bepanhau rino, mukadzi uyu anonzi ainge achiri muchipatar­a asi upenyu hwake huri parumananz­ombe.

Mudzimai uyu anonzi akanga aomerwa neupenyu vose nemwana apo akasiyana nemurume wake nekuda kwechikonz­ero chisina kuzivikanw­a. Mutumbi wemwana uyu unonzi wakazoende­swa kumochari yechipatar­a cheMaronde­ra General Hospital.

Insp Mwanza vanoti kunyangwe vanhu vakaramban­a vaine mhuri, hazvikodze­re kuti vasvike pakutora upenyu hwavo sedanho rakafungwa nemudzimai uyu.

“Munhu unogona kurambwa nemurume kana mukadzi onotanga upenyu hutsva kutodarika zvawaiita kare nekuti hakusi kuguma kweupenyu. Kana vanhu vasvikirwa nenguva yakaoma kudai, ngavatsvag­e vabatsiri nevapi vemazano pane kuzviuraya. Amai ava vakatarisa­na nekuzopind­a mudare vopihwa mutongo wavo,” vanodaro.

 ??  ?? Insp Mwanza
Insp Mwanza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe