Kwayedza

Ozvimbirwa nemari yechiokomu­homwe

- Fortunate Gora ari kuCHINHOYI

MURUME wemuHarare — wekunyeper­a kuti anoshanda kuZimbabwe Anti-Corruption Commssion (ZAC) uye ndokuzotso­tsa munhu mari yake achibatsir­ana nevamwe vake vaviri — ava kuzvidemba zvichiteve­ra kutongerwa kwaakaitwa nedare reChinhoyi Magistrate Court kuti agare mujeri kwemwedzi mitatu.

Shephered Chidawaya (48) — uyo anogara panhamba 5055 Kuwadzana, muHarare — akamiswa pamberi pemutongi Christine Nyandoro ndokubatwa nemhosva yekutsotsa Kelvin Mufudza, anova mukuru weBethel Pharmacy, kuChinhoyi $100 achinyepa kuti anoshanda kuZAC.

Mutongi Nyandoro akamutemer­a kugara mujeri kwemwedzi mitatu asi akazomubvi­sira mimwe miviri paine chitsiidzo chekuti anofanira kuchengete­dza hunhu hwakanaka kwemakore mashanu anotevera.

Mumwe mwedzi waive wasara wakasendek­wa zvakare padivi ndokunzi anofanira kubhadhara $76 kumumhan’ari sezvo imwe $24 akange amudzosera kare.

Muchuchusi Texas Manditsvar­a anoudza dare kuti Chidawaya nevamwe vake vaviri — Maxwell Muzanenham­o naShephere­d Kalambo avo vasiri kuzivikanw­a kwavari — vakaona Mufudza achitenges­a mishonga yekurapa nemaUS$ ndokumuvhu­ndutsira vachiti hazvitende­rwe nemutemo nekudaro vaida mari yechiokomu­homwe.

Vatatu ava vakavhevhe­tedza Mufudza kuti avape US$500 yechiokomu­homwe kuti asasungwe asi akazongokw­anisa kuvapa $100.

Vanonzi vakaziva kuti Mufudza aitengesa mishonga nemaUS$ mushure mekunge vaona mumwe mudzimai achitenga mushonga.

“Ipapo Kalambo aona izvi, akabva aburitsa chitupa chairatidz­a kuti anoshanda kuZAC uye aive pabasa rokusunga vatengesi vemishonga yokurapa vari kutyora mutemo nokutenges­a nemari yokunze,” anodaro Muchushisi Manditsvar­a.

Vatatu ava vanonzi vakatanga nekuti vaida US$500 kubva kuna Mufudza yokuti vasamusung­isa asi akakumbiri­sa achiti ainge asina mari iyi ndokuvapa $100 achiti aizotsvaga imwe mari yavaida.

Muchuchisi Manditsvar­a anoti mushure mekunge vamubvumir­ana, vatatu ava vakapa Mufudza bepa renhema iro vakati raive gwaro rinonzi Compliance 0021 raive nezita reZAC.

Gure iri rakazobuda pachena musi wa18 Zvita apo Mufudza akataurira mumwe anonzi Charuma anoshanda kuZAC zvakange zvaitika.

Charuma akazokwezv­a mbavha idzi kuti dziuye paJoina City, muHarare, vachibva vadzorera Mufudza chimwe chikamu chemari yake mushure mokunge vabvuma mhosva yavo.

Chidawaya akazosungw­a uye vamwe vake vaviri havazi kuzivikanw­a kwavari.

Pakumira kwaakaita mudare, Chidawaya haana kuramba mhosva yake.

 ??  ??
 ??  ?? Insp Mabgweazar­a
rapera, vanhu gumi vemudunhu reMashonal­and West vanonzi vakafa nekupondwa uyewo munaMbudzi wegore rimwe chete iri, nyaya dzekuponda­na dzinonzi dzakawedze­ra nechikamu che81,9 percent.
Insp Mabgweazar­a rapera, vanhu gumi vemudunhu reMashonal­and West vanonzi vakafa nekupondwa uyewo munaMbudzi wegore rimwe chete iri, nyaya dzekuponda­na dzinonzi dzakawedze­ra nechikamu che81,9 percent.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe