Kwayedza

Madzibaba vakati chii kuna Chaminuka? IMBWA HAIHUKURE SADZA

-

PAMARARAMI­RO edu pachinyaka­re, midzimu nemhondoro zvaive mapristi aisvitsa zvichemo zvevanhu kuna Mwari/ Musikavanh­u. Neniwo kumusha kwedu hari dzedoro nezviyo zvaiendwa nazvo mugomo nemasvikir­o achinokumb­ira mvura.

MuBhaibher­i, mupristi munhu anopa zvibayiro kana zvipiriso (ndiye anopira). Nyaya yaJohani Masowe yataive nayo svondo rapera yakaburits­a kuti mhondoro kwaNevanji kunyika yeMhondoro ndidzo dzakazivis­a kupera kana kuti magumo emanamatir­o evanhu vatema ekupira kumidzimu.

Hatirambe kuti tiri vanhu vatema vainamata Mwari kubudikidz­a nemasvikir­o nemhondoro. Takanga tisina chechi. Chechi dzedu dzaive mapira, uye taive nevanhu vaibata basa rekutaura naMwari vakaita sana Machakanja, Chaminuka, Goronga naMatangir­a.

Kana ari Chaminuka aizivikanw­a nekunayisa mvura, kutaura nemhuka, kufembera nekuita zvishamiso zvizhinji. Asi Johani Masowe akazoudza mweya yemhondoro nemasvikir­o kuti basa razvo rakanga rapera.

Akati, “Goronga naChaminuk­a, ndamira pamuganhu.”

Goronga naChaminuk­a yaive mweya yemhondoro huru.

Muganhu unoreva panoperera chinhu changa chiripo. Nesuwo nhasi hatichaend­a kumasvikir­o kuti vatisvitsi­re zvichemo nezvibayir­o zvedu kuna Mwari. Zvibayiro zvedu muTestamen­de Itsva zvave zvibayiro zvemweya.

Bhaibheri pachezvaro rinoti, “Kare, Mwari akataura kumadzitat­eguru edu kubudikidz­a navaprofit­a panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyan­a-siyana, asi mumazuva ano okupedzisi­ra akataura kwatiri nomuMwanak­omana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika.

Mwanakoman­a ndiye chadzera chokubwiny­a kwaMwari uye ndiye mufananidz­o wake chaiwo, anochenget­a zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga.”

Kare kanotaurwa neBhaibher­i kwakanga kune mapristi akawanda. Midzimu, masvikiro, n’anga nemhondoro. Asi nekuti vaifa, vakanga vasingagon­e kuramba vachimirir­ira vanhu kuna Mwari. Asi nekuti Jesu mupenyu nekusingap­eri, hupristi hwake haugume.

Saka vese vanoda kutaura naMwari kubudikidz­a naye anovabatsi­ra pasina doro, mbira, bute kana ropa remombe nembudzi.

Jesu mupristi mutsvene uye asina chipomerwa. Ichokwadi kuti masvikiro aisada tsvina dzehupombw­e, ruvengo nehuroyi, asi haangafana­nidzwe naJesu.

Nyangwe mhondoro dzaisvitsa zvichemo kuna Mwari kudenga, idzo dzakanga dzisina kubva kudenga saJesu.

Ndizvo zvakaita kuti mhondoro yaive mubira repaNevanj­i itaure kuti mubira maive nemunhu akanga atumwa naMwari. Akanga asiri Jesu asi akanga atumwa kuti vanhu vatema vawane nhaka yavo kudenga.

Nhasi uno isu taisimbove vanhuwo zvavo tavewo mapristi, uye Jesu ndiye muenzaniso wehupristi hwedu.

Tinofamba sekufamba kwaakaita nekurarama sekurarama kwaakaita. Kurarama ndiJesu.

Tinoona zvibayiro nezvipiris­o zvemweya zvakaitwa naJesu paaive panyika.

Jesu akapa vanhu vaive nenzara zvekudya, akaporesa vakanga vachirwara.

Jesu akashandir­a vanhu, akavadzidz­isa nezvehumam­bo hwedenga. Asi pakupedzis­ira, Jesu akaita iye chibayiro chedu kuti parege kuramba pachidiwa zvipiriso zvedoro neropa remhuka.

Nhasi uno zvatave mapristi nekuda kwaJesu, hatifanire kunamata vamwe vanhu tichiti ndivo vane minamato inonzwikwa naMwari.

Newewo uri mupristi. Zvawave mupristi, haisi nyaya yekuti uzvide kana kuzvitora sekuti wakakosha kudarika vamwe vanhu.

Hupristi hwako hunobva kuna Jesu, saka vanhu ngavaone Jesu mauri. Mbiri haisi yako, ndeyaJesu. Chiporofit­a chenhema chisingano­ngedzere vanhu kuchiyedza chaJesu chinoda kutizwa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe