Kwayedza

Vakatambwa negevha muchechi

- Fortunate Gora ari kuCHINHOYI

MURUME wekuChinho­yi wekunyeper­a vamwe vanamati vechechi yeZion Christian Church kuti anogona kuvapinza basa uye ndokuzovat­sotsa mari nenhare dzavo akaigocher­a pahutsi zvichiteve­ra kutongerwa kwaakaitwa kugara mujeri kwemakore matanhatu nedare reChinhoyi Magistrate Court.

Alfred Zhou (32) – uyo anogara panhamba 9929 Katanda Section, muChinhoyi – haana kuramba mhosva dzake dzose dziri nhanhatu apo akamira pamberi pemutongi wedare iri, Christine Nyandoro.

Mutongi Nyandoro akamutonge­ra kugara mujeri gore rimwe chete pamhosva yoga yoga.

Zvisinei, akamubvisi­ra makore matatu pachirango ichi paine chitsidzo chekuti anofanira kuripira chimwe chikamu chemari yezvinhu zvaakaba uye kuti haapare mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu anotevera.

Izvi zvinoreva kuti musungwa uyu achagara mujeri kwemakore matatu azere.

Muchuchusi Eugiene Moyo akataurira dare kuti nemusi wa3 Zvita, Zhou akaenda kusvondo yeZCC kuColdstre­am, kuChinhoyi achinyeped­zera kuti aipindawo svondo iyoyo kuBindura .

Akazokumbi­ra kutaura pamberi pevanamati vechechi iyi achibva apiwa mukana ndokutaura kuti aishanda kuChinese Company yaive kuBindura uyewo chinangwa chake chaive chokupinza vanhu vaanonamat­a navo mabasa.

Anonzi akati, “Kuti ukwanise kupinda basa iri unofanira kuenda kusurgery yaDr Gift Masocha wonoongoro­rwa utano hwako.”

Muchuchisi Moyo anoti Zhou akakwanisa kuwana vanhu 15 vakamuteer­era asi vashanu chete ndivo vakakwanis­a kumupa $4 pamunhu iyo yaaiti imari yokubhadha­ra mafomu ekuzotorwa X-ray.

Musi uyu, akakwanisa kutora nhare yaItai Gwadara pamwe chete nemari.

Nhare idzi aidzitora achiti aifanira kutora munhu wose mufananidz­o wepassport size photo nenharembo­zha yake.

Zuva rakatevera, anodaro muchuchisi Moyo, Zhou akashandis­a nzira imwe chete kutsotsa Edwin Mambizvo, Kudzai Masvora,Tinotenda Zhou naPatricia Mukavi.

“Nhare dzaakaba dzinosanga­nisira ITEL S32 inoita $720, Samsung Galaxy JI Ace inokosha $200, Samsung SS5 inoita $300, Huawei inokosha $125, Huawei P8 Lite inoita $400. Zvinhu zvose zvaakaba kusanganis­ira nemari zvinokosha $1 765,” anodaro Muchuchisi Moyo.

Zhou zuva rimwe chete iri akatora zvakare mudungwe wevanhu vanosvika 15 ava ndokuenda navo kusurgery kwaDr Masocha uko akasvikono­ti vatorwe maX-ray ndokunyepa kuti kambani yeChinese Company ndiyo yaizobhadh­ara.

Muchuchisi Moyo anoti Zhou paakaona kuti vanachirem­ba vakange vava mushishi yekutora maXray, akabva angonyanga­rika nenhare dzavanhu ava pamwe chete nemari yaaive atora.

Mari yaaifanira kubhadhara Dr Masocha yaive $1 050 uye yakasangan­iswa neyezvimwe zvaakaba inosvika $2 815.

Gure iri rakazobuda pachena mushure mekunge Dr Masocha vamhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Zhou asungwe.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe