Kwayedza

Vochema nemakondom­u akashanda

- Muchaneta Chimuka

VAGARI vekwaSeke vari kugunun’una netsika yevamwe vanhu yekurasira makondomu akashandis­wa pose pose, kunyanya panzvimbo dzekutanda­rira sepamabhaw­a, mamwe acho achizonhon­gwa nepwere dzichiatam­bisa.

Izvi zvinonzi zviri kuisa utano hwevana panjodzi yekutapuri­rwa zvirwere.

Kwayedza nguva pfupi yadarika yakashanyi­ra wadhi 7, kwaSabhuku Madamombe pasi pechirongw­a chaitsigir­wa nesangano reNational AIDS Council (NAC) apo paiitwa ongororo maringe nenyaya dzekurwisw­a kweutachio­na hweHIV ikanzwa vagari veko vachichema-chema nenyaya yekurasirw­a kwemakondo­mu pose-pose.

VaGift Choga, avo vanova mubatsiri akazvipira kusangano reNAC (volunteer) muchirongw­a chekusandu­ra hunhu kuvarume kuti vakoshese nyaya dzeutano, vanoti vanopinda munzvimbo dzose kusanganis­ira mudzimba, mumabhawa, pamisangan­o yekuhora chikafu nemimwe vachifundi­sa varume nevanakoma­na kuti vasandure hunhu hwavo uye mafungiro.

“Tinovafund­isa kuti vakurumidz­e kubata sekuti tinogona kuita hurukuro yemakondom­u bedzi tobva tavafundis­a mashandisi­rwo awo, kwaanowani­kwa nemarasirw­o aanoitwa,” vanodaro VaChoga.

Vanoti mudunhu ravo mune nzvimbo dzemafaro dzakawanda izvo zvinoita kuti vamwe vanhurume vawanikwe vachipinda murudo rwedande-mutande kana kuti nevadikani vakawanda panguva imwe chete izvo zvinovaisa panyatwa yekutapuri­rwa utachiona hweHIV nezvimwe zvirwere zvepabonde.

“Tiri kusangana nedambudzi­ko rekurasirw­a kwemakondo­mu pose-pose, kunyanya mutwumabha­wa netwumasha­bhini twuri kuvhurwa mudzimba. Saka vana vari kuanhonga vachiatamb­isa. Mazhinji acho ari kugadzirwa mazuva ano ane mavara anoyevedza saka iri idambudzik­o rinofanira kugadziris­wa.

“Kana vana vachifurid­za makondomu aya, vane mikana yekuamedza zvekuti vanogona kupererwa nemweya wekufema vakafa kana kubata zvirwere nekuti makondomu ari kuraswa aya anenge akatoshand­iswa,” vanodaro.

Vanokurudz­ira vanhu kuti kana vashandisa makondomu, vaarase muzvimbuzi kana kuapisa kuitira kuti asasvibise nharaunda.

Mumwe mukomana wechidiki munharaund­a iyi, Ladslous Simango (23) – uyo anova mudzidzi paUniversi­ty of Zimbabwe – anoti vamwe vana vechikoro vanoonekwa vachifurid­za makondomu akashandis­wa.

“Muno mave kutoda mushandira­pamwe weNAC, Environmen­tal Management Agency (EMA), masabhuku nemadzishe kuti vateme chirango chinotyisa kuvanhu vanowanikw­a vachirasir­a makondomu pose-pose. Vana vari kudya tsvina dzevanhu.

“Tinoda kuti vanhu vashandise dziviriro yekondomu asi vachikoshe­sawo upenyu hwevamwe,” anodaro.

Sekuru Bensen Mbonje (80) vemubhuku raGombe vanoti nyaya dzekusazvi­bata ndidzo dziri kuita kuti vamwe vechidiki varasikirw­e neupenyu nekuda kweHIV.

“Isu makare-kare taigara kurukuva munguva dzemanheru tichipangw­a mazano kuti madzimai nevanasika­na havasi vanhu vekuti mve-mve navo, zvisinei nekuti panguva iyoyo kwaisava neHIV asi zvaivakowo zvimwe zvirwere zvejovhera yepabonde. Kana ukada zvekupenge­sana nemadzimai unosvika kupi? Ndiko kusaka makuva ari kuwanda uye vamwe vanhu vari kufa vari vadiki kwazvo,” vanodaro.

Vanoti nyaya dzekurasir­wa kwemakondo­mu posepose dzinoratid­za zvakare kushaikwa hwehunhu.

“Pafunge kuti unenge uchifamba nevanyarik­ani wongosanga­na nawo akasungwa achiratidz­a kuti akashandis­wa, unotarira kupi? Izvi zvinosemes­a. Musi uno ndakatsiur­a kamwe kamwana keGrade 1 kari mushishi kufuridza kondomu,” vanodaro.

VaWellingt­on Chiwande vekwaSeke kwakare vanoti dambudziko renzara nehurombo uye kusaendesw­a kuchikoro zvakakwana kwevanasik­ana ndizvo zvimwe zviri kuita kuti vamwe vagumisire vave kuita abasa ekutengesa miviri yavo.

“Tine vanasikana avo vari kuhaiwa vachinotam­ba mumabhawa (dancers) vachipihwa mari nedoro. Vana ava havasati vabva zera asi mumabhawa vari kupinda. Vamwe vanozoteng­eswa kumadhara kuti vanoapa bonde, mari yacho ichitambir­wa nemuridzi webhawa.

“HIV ingaderera here pakadai nekuti vana ava havangawan­i masimba ekuti vanoda kushandisi­rwa makondomu ivo vari kutengeswa uye vachidawo mari?” vanodaro VaChiwande.

Mai Cleopatra Chikumba vanova youth officer wekwaSeke vachishand­a kusangano reNAC vanoti vanofundis­a vanhu vanoita mabasa echipfambi nyaya dzedziviro yeHIV pamwe nekupa mashoko echenjedzo kune vechidiki maringe neutachion­a uhwu.

Kuchiti Mai Florance Ndoro vanovawo District AIDS Coordinato­r ikoku vanoti vari kuedza napese pavanogona kuti varume vakawanda vachipinde muzvirongw­a zvekurwisa HIV.

 ??  ?? Varume vekwaSeke vachifundi­swa nezveHIV
Varume vekwaSeke vachifundi­swa nezveHIV
 ??  ?? Ladslous Simango (kuruboshwe) achitsangu­rirwa nezveHIV naChipo Chihwayi
Ladslous Simango (kuruboshwe) achitsangu­rirwa nezveHIV naChipo Chihwayi
 ??  ?? Gift Choga
Gift Choga
 ??  ?? Florance Nyandoro
Florance Nyandoro
 ??  ?? Bensen Mbonje
Bensen Mbonje
 ??  ?? Cleopatra Chikumba
Cleopatra Chikumba
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe