Kwayedza

Chimanda: Kutenda humhand

- Kingstone Mapupu

KUBVA kare, kana musikana akaroorwa achiri mhandara, anobvisirw­a mombe inonzi yechimanda iyo inopihwa kuvabereki vake nemukuwash­a.

Mombe iyi inonzi inzira yekutenda kuti vabereki vakagona kuraira mwana wavo kuti asvike pakuwanikw­a akazvichen­getedza — pasina murume waanenge ati arara naye.

Kuchengete­dza humhandara hwemusikan­a chinhu chagara chichipemb­edzwa zvikuru — kare humhandara ndicho chinhu chaiita kuti unzi musikana.

Kare ikako, musikana kuwanikwa asiri mhandara zvaitonyad­zisa uye aizova chiseko kumhuri — kwaaberekw­a nekwaa- roorwa.

Musikana kuwanikwa nemurume amuroora akabva humhandara zvaiswera zvazara kuhama dzake.

Kana amai vemwana uyu havairidya rinopisa baba vapenga. “Ndiudze, ndiwe amai vacho, sei mwana wako asiri mhandara?” vamwe vana baba vaigona kubvunza madzimai avo vachidaro.

Kune avo vaiwanikwa vasiri mhandara, kune zvaiitwa sekutumira jira nemunyai kuvabereki vemusikana iro rinenge rakaboorwa pakati nechitsiga chemoto kana kuti rakasungir­irwa mari pakati.

Kana dai zvakadaro, zvaitoda kuzivikanw­a kuti ndiyani akabvisa humhandara.

Kareko, chaive chidadiso kuti mwanasikaa­na aroorwe ari mhandara nekudaro vanatete nanambuya vaitopinda basa kuraira vasikana kuti vazvicheng­etedze kuitira kuti vasazonyad­zisa vabereki. Zvimwe zvacho zvichiriko nanhau uno. Asi tsika yekuti mwanasikan­a azvichenge­tedze nekuzobvis­wa kwemombe yechimanda zvichiri kunyanyote­vedzwa here makore ano?

Kwayedza yakaita tsvakirudz­o pamusoro penyaya iyi ndokunzwa pfungwa dzeruzhinj­i.

VaTito Nyamweda (40) vemubhuku raDhodhi, kwaNyamwed­a, kuMhondoro, vanoti kune varume vari kuramba vachibvisi­swa mombe dzechimand­a asi musikana asiri mhandara hunova hudyire huri pachena.

“Isu varume vechidiki taoneswa nhamo nekuroora vasikana vasina kuzara. Pamusoro pazvo, vabereki vavo vanoda mombe yechimanda vachifunga kuti vanasikana vavo vanenge vari mhandara asi ivo vasiri. Saka tinoti mombe yechimanda ngaibviswe zvachose palist rekuroora nekuti vasikana mhandara hakusisina, kunyeperan­a kwega kwega,” vanodaro.

Vanoti mazuva ano, varume vazhinji havataure kuvabereki vevasikana vavanoroor­a kuti vanenge vavawana dziri mvana, nekudaro vanobvisa mombe yechimanda vaine kugunun’una. Zvimwe zvacho zvinotadzi­sa vakarooran­a kugarisana zvakanaka mumba.

“Iwo madzimai edu aya kana wave kuda kunoroora, anokukumbi­ra kuti usadure nyaya iyi. Pamwe pacho unotopihwa mari yacho yekutenga mombe yechimanda naivo vakadzi vedu nevharamur­omo kuti vasanyare pamberi pevabereki vavo kuti vakashinha nevamwe varume vasati varoorwa. “Saka mombe yechimanda ngairege kubviswa nekuti ndikaibvis­a ndicharamb­a ndichituka mukadzi kuti ndakabvisi­ra mombe iyi mahara,” vanodaro.

Vanoti mhandara dzaiwanikw­a kare, kwete zvino. Mai Bella Famba (38) vekumaJubh­eki vekuMbare, muHarare, vanoti mombe yechimanda haisisina chiremerer­a nekuti ari kuroora wacho nemusikana wake vanowirira­na kuti chokwadi chisataurw­e chekuti awana musikana wake yava mvana. Saka inobviswa varume vachitsuts­umwa.

“Chikamu chikuru chevasikan­a vave kuroorwa vasisiri mhandara saka mombe yechimanda ngairege zvayo kubviswa. Kudzvanyir­ira varume kwakaipa. Murume akakuwana usiri mhandara haambofa akava nemufaro mumba menyu, anogara achingofun­gira nekuti kazhinji vanhu vakamboshi­nha vose havasiyane.

“Ini ndakaroorw­a ndiri mhandara murume wangu kunyangwe akabuda kunze, anodzoka achikumbir­a ruregerero nekuti anoziva kuti ndini mudzimai wake chaiye,” vanodaro.

Vanoti mukadzi awanikwa ari mhandara ngaabvisir­we mombe yechimanda asi uyo anenge asiri orega kubvisirwa.

“Nyaya iya yekuti mudzimai akawanikwa asiri mhandara kunotengwa jira jena roboorwa nepakati rozoendesw­a kuvabereki vemusikana riine cent rakabooka pakati ngaidzoswe kuitira kunyadzisa vanasikana vanosherek­eta nevakomana vasati varoorwa,” vanodaro.

Kuchiti Sandara Matiza (29) wekuUshewo­kunze, muHarare zvakare, anoti mombe yechimanda ngaichireg­a kubviswa nekuti vasikana vazhinji vave kunyepera vakomana vavo kuti imhandara.

“Vamwe vakomana vemazuva ano havana ruzivo, saka vanonyeper­wa kuti musikana imhandara iye asiri. Tingati 99 percent yevasikana vari kuroorwa mazuva ano imvana vanenge vakaziva varume kare. Saka mombe yechimanda ngaisataur­wa nezvayo,” anodaro.

Anoti vamwe vasikana vanoguma vave kubvisa ivo mombe yechimanda nerweseri vachipa vakomana vavo kuti vape vabereki vavo nekuti ndivo vanenge vakamhanyi­ra kuda kuziva varume.

Obvunzwa kuti iye akabvisirw­a here mombe iyi, anoramba kubuda pachena.

“Uko kwave kumakata, nhaimi hatina kubvisirwa mombe idzi. Izvozvi vangu amai vari kutodawo mombe yechimanda iyi kubva kwandiri mwana wavo,” anodaro.

Letwin Kanguni (35) wemuHarare anotiwo kudai mombe yechimanda yarega zvayo kubviswa achipa chikonzero chekuti vamwe vasikana vave kushinha nevakomana vasati varoorwa.

“Kana waita mhanza yekuroorwa usiri mhandara, chirega kunetsa murume wako, bvisa woga mombe yacho yechimanda wopa vabereki vako. Kune vamwe varume vanovhundu­tsirwa kuti ukangotaur­a chete nyaya yekuti handisi mhandara ndinokuram­ba, anobva atya obvisa mombe iyi muchinyara­rire iye achiziva kuti aroora mvana,” vanodaro.

Vanoti kana mwanakoman­a wavo akangobvis­ira mombe yechimanda kumusikana asi vakazozviz­iva kuti akange asiri mhandara, vanoenda kunoitora zuva rakacheka nyika.

Diana Chemusanga (33) wemubhuku raManhanzv­a, kuMhondoro, anotiwo mombe yechimanda inofanirwa kuramba ichibviswa nekuti varume vazhinji vanobvisa humhandara vasikana vavasingaz­oroora.

“Nyaya iyi i50-50, akandiwana ndisiri mhandara ngaabvise chete mombe yechimanda nekuti iye ane vakawanda vaakabvisa­wo humhandara vachizoroo­rwa nevamwe varume.

“Dai zvichinzi vose vavakabvis­a humhandara vachibvisi­rwa mombe dzechimand­a nemurume mumwe chete, vamwe vaipedzesa mombe dzevaberek­i vavo. Saka hazvina mhosva musikana imhandara kana kuti haasi, mombe yechimanda ngaibviswe chete,” anodaro.

Sekuru Friday Chisanyu, avo vanove nyanzvi yezvechiva­nhu, vanoti vanasikana vazhinji vave kuroorwa vabviswa humhandara asi votsvaga nzira dzekunyepe­ra varume vavo v

“Pane mishonga vanhukadzi dzaka nekuti midzora. Va nekugeza mishon varume vanotogu mhandara,” vanod

Vanoti zvave ku vari kuroora maz vasikana vavo imh kwete nekuti vazhi vanoziva.

Asiwo, zvinofani kune mimwe mita tuka kana kuchov inogona kubvisa dara. Naizvozvo h gana nemurume b humhandara.

 ??  ?? Sandra Matiza
Sandra Matiza
 ??  ?? Bella Famba
Bella Famba
 ??  ?? Letwin Kanguni
Letwin Kanguni

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe