Kwayedza

Chikoro chitsva chovhurwa

- Munyaradzi Musiiwa

HURUMENDE yakavakisa chikoro chesekonda­ri chitsva kunzvimbo yeNeta Ressetleme­nt, kuMberengw­a, nedonzvo rekuzadzik­isa chirongwa chayo chekuti vana vari kunzvimbo dzakagaris­wa vanhu patsva vawane mukana wekudzidza zviri nyore.

Nguva pfupi yadarika, bazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i rakazivisa kuti richavakis­a zvikoro zvinosvika 2 000 munyika yose.

Izvi zvinouya mushure mekunge dare reCabinet raudza gurukota rebazi iri, Professor Paul Mavima, kuti paifanirwa kuvakwa zvikoro 100 zvepuraima­ri nesekondar­i gore rapera risati radarika.

Nyika yose yakashomek­erwa nezvikoro 2 056 kuti zvinge zvichikwan­irana nehuwandu hwevana.

Chikoro chemhando yepamusoro-soro chekuNeta chave kutopera kuvakwa uye chinotaris­irwa kuvhurwa zviri pamutemo nemutungam­uriri wenyika President Mnangagwa munguva pfupi iri kutevera.

Mumiriri weMberengw­a North mudare reNational Assembly, Cde Tafanana Zhou vanoti kupedza kuvakwa kweNeta Secondary School kuchasimud­zira zvikuru mhando yedzidzo yemudunhu ravo.

“Hurumende munguva pfupi yadarika yakapa zvekushand­isa mukuvakwa kweNeta Secondary School kunzvimbo yeNeta Resettleme­nt. Chikoro ichi chichave chimwe chepamusor­o-soro mudunhu rino. Zvivakwa pamwe nezvinosha­ndiswa nevana mukudzidza pachikoro ichi zvinoender­ana nezvekune zvimwe zvikoro zvepamusor­o-soro zviri munyika muno.

“Vana vemunzvimb­o iyi vari kufamba nzendo refu kuenda kuzvikoro zvesekonda­ri.

“Danho iri (rekuvakwa kwechikoro ichi) rinoratidz­a kuzvipira kwaPreside­nt Mnangagwa neHurumend­e mukusimudz­ira mhando yedzidzo kumarurwa nemunyika yose,” vanodaro Cde Zhou.

Mugore ra2013, Hurumende yakaita ongororo yenzvimbo 2 056 idzo inoda kuzovakisa zvikoro. Zvikoro izvi zvichavakw­a munzvimbo dzakagaris­wa vanhu patsva.

Kuvakwa kwezvikoro izvi kunoendera­na nechirongw­a cheZim-Asset pasi pechikamu cheSocial Services and Poverty Eradicatio­n Clutser apo Hurumende iri kuda kusimudzir­a mhando yedzidzo, kuwanikwa kwefundo pamwe nekudzidzi­swa kwakazara pamatanho ose.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe