ZGC yopinda mumakoreji
‘Kumbonyikidzwa kwevadzidzi bodo’
KOMISHENI yeZimbabwe Gender Commission (ZGC) iri kushanda nemayunivhesiti mukurwisa kumbunyikidzwa kwevadzidzi – kunyanya vanhukadzi – munyaya dzine chekuita nezvepabonde izvo zvinonzi zviri kudzorera shure budiriro yavo padzidzo.
Sachigaro wekomisheni iyi, Mai Margaret Mukahanana-Sangarwe vanoti vakaona zvakakosha kuti vapinde mumayunivhesiti vachirwisa nyaya dzekushungurudzwa kwevanhukadzi.
Vanoti vamwe vanhukadzi vari kumayunivhesiti nemakoreji vari kushungurudzwa nenzira dzakasiyana, kusanganisira kumanikidzwa kudanana nevarairidzi vavo kuitira kuti vagozopasiswa pazvidzidzo zvavanoita.
Mai Mukahanana-Sangarwe vanoti pari zvino komisheni yavo iri kushanda nemayunivhesiti anosanganisira University of Zimbabwe, Midlands State University, Great Zimbabwe University, National University of Science and Technology neAfrica University mukurwisa kushungurudzwa Mai Mukahanana-Sangarwe kwevadzidzi. vepayunivhesiti iyi vanosanganisira
“Takavamba tsvakurudzo Vice Chancellor tikaona idzi mushure mekutambira kuti iri idambudziko rinoda mashoko ekumbunyikidzwa kutariswa,” vanodaro. kwevanhukadzi kubva Mai Mukahanana-Sangarwe kuMidlands State University vanoenderera mberi vachiti, uko kunonzi kune vadzidzisi “Takatotanga kuferefeta nyaya vechirume vanoti kuvanhukaidzi tikaisa zvakare masuggestion dzi kuti upase chikoro tanga boxes ekuti tiwane wadanana neni kana kuenda nekunzwa zvinoitika payunivhesiti pabonde zvisina kuwirirana. iyi maereano nekumbunyikidzwa Izvi zvinodzorera shure kubudirira kwevanhukadzi kwavo mudzidzo. munyaya dzine chekuita
“Takataura nevakuru nebonde.”
Vanoti kune vamwe vadzidzi kumayunivhesiti akasiyana vari kumbunyikidzwa nenzira dzakaita sekubatwa-batwa miviri yavo nevarairidzi vechirume pasina kuwirirana, kunove kutyorwa kwekodzero dzavo.
“Dzimwe nguva kumbunyikidzwa kune chekuita nebonde kunogona kuitwa nenzira yemashoko anotaurwa asi nyanye kuvanhukadzi munogona kusaziva mofunga kuti ijee asi kutori kumbunyikidzwa. Nokudaro tinokurudzira kuti nyaya dzerudzi urwu dzimhan’arwe uye isu sekomisheni tiripo kubatsira,” vanodaro.
VaVictor Nkiwane, avo vanove commissioner weZGC vari zvakare sachigaro wekomiti yeLegal and Investigations Committee, vanoti komisheni yavo inobatsirawo vanhurume vanenge vachishungurudzwa nevanhukadzi.
“Vanhurume musanyare kumhan’ara nyaya dzenyu kana muchishungurudzwa, komisheni yedu handi yevanhukadzi bedzi asi kuti inomirira kodzero dzevanhu vose,” vanodaro.