Mashiripiti mungano
ZVIKONZERO zvekushandiswa kwemashiripiti mungano
Mashiripiti kana jandukwa ndechimwe chiitiko chinonyanya kutora nzvimbo muzviitiko zvemungano, saka nguva zhinji vanasarungano vanoshandisa mashiripiti vaine zvinangwa zvakasiyana-siyana. Zvimwe zvinoita kuti vashandise mashiripiti ndezvinotevera:
◆ Kuburitsa zvidzidzo zviri mungano
◆ Kusimbaradza dingindira rerungano
◆ Kanakidza kana kusetsa vateereri verungano
◆ Kuburitsa zvakahwanda zvinenge zviri mungano
◆ Kurodza njere dzevateereri
◆ Kutyisidzira vanhu kuti vagone kuchengetedza muko
◆ Kubatsira vanhu vaMwari kuti vapukunyuke mumatambudziko
◆ Kutaridza masimba enyikadzimu
◆ Kufambisa mashoko zviri nyore Musiyano wenganotaurwa nenganonyorwa: Nganotaurwa nenganonyorwa zvinoumba uvaranomwe. Mutauro wavaShona wakapfuma nokuti une zvose nganonyorwa nenganotaurwa, izvo zvinobatsirana kuti mutauro unzwikwe kupfuma kwawo. Imwe siyano pakati pengano dzakanyorwa pasi nengano dzekutaura inosanganisira inotevera:
◆ Ngano yekunyora pasi inorasikirwa neuvizhuvizhu.
◆ Ngano yekunyora hainyatsobudisi kudyidzana kuri pachena pakati pasarungano nevateereri.
◆ Vateereri havana anovadzidzisa maimbirwo enziyo.
◆ Ngano yekunyora inorasikirwa navateereri sezvo muverengi ari iye zvakare muteereri.
◆ Hapana vateereri vanobvumira, “dzepfunde” kuna sarungano.
◆ Vateereri havakwanisi kubvunza mibvunzo sezvo pasina munhu wavanogona kubvunza.
◆ Vateereri havakwanisi kuuchira.
◆ Maumbirwo erungano runobva rwashanduka
◆ Vateereri havakwanisi kuseka sezvinoitwa mungano yekutaura.
Madingindira anobuda mungano: Mungano munobuda madingindira akasiyana-siyana. Dingindira ndiyo pfungwa huru inobuda mungano naizvozvo munogona kuita madingindira maviri kana kudarika zvichienderana nezvinenge zvichida kubudiswa nasarungano/munyori wacho. Mamwe emadingindira anonyanya kuwanikwa mungano ndeanotevera:
◆ Mushandirapamwe
◆ Undyire
◆ Utsinye
◆ Umbavha
◆ Wanano
◆ Kukosha kwekuchengetedza muko
◆ Tsitsi dzinotsitsirira