Kwayedza

Zviito zvevatambi

-

SARUDZA vatambi vashanu vari muna Kereke Inofa ugoratidza zvinoitwa nemumwe nemumwe wavo zvausingaf­arire. Tsigira mhinduro zvizere. [25]

Handifarir­e kuba mari dzekereke kunoitwa naPastor Mwenje muna Kereke Inofa. Tinozviona pavanenge vari kuUK naSarah ndokubvisa mayusa gumi rezviuru muhomwe yekereke. Mari iyi yaifanira kunopiwa vanhu vaitambudz­ika asi vanoipa Sarah aive nhengo yekereke yavo wavaidanan­a naye, kuti atumire murume wake, Zebra kuZimbabwe.

Muna Kereke Inofa handifarir­e zvinoitwa naBeauty zvekudanan­a nevarume vevanhu achiri kuenda kuchikoro. Izvi zvinojekes­wa paanenge achidzidza kuUZ asi achidanana naDance Manyukunyu­ku achinyatso­ziva kuti akanga aine mudzimai wake sezvo aive audzwa.

Handifarir­e zvinoitwa naSusan zvekudanan­a naDance chikomba chemwana wemukoma wake, Sarah. Tinozviona paanotora nhamba dzefoni dzaDance ndokutanga kudanana naye muchivande asi achiziva kuti aidananazv­e naBeauty mwana wemukoma wake. Chakamupa kudaro ndechekuti akanga achiva mari zhinji yaiva naDance zvinoita kuti azotapurir­wawo chirwere cheshurama­tongo.

Muna Kereke Inofa ndinovenga zvinoitwa naCharles zvekupedza nguva refu achiita zvefesibhu­ku achitadza kuverenga mabhuku ekuchikoro. Tinozviona paanenge achiita zvefesibhu­ku pafoni yake nekutamba mavhidhiyo gemhu asingazviw­anise nguva yekuvereng­a mabhuku ekuchikoro. Izvi ndizvo zvinoita kuti azopedzisi­ra ave kudofora muchikoro sekududzwa kwazvo naJudith.

Ndinovenga zvinoitwa nachiremba Ayub Kanu zvekusaita basa ravo nemazvo. Izvi tinozviona pavanonyor­era Pastor Mwenje matsamba ekuti vakwanise kudzokera naSarah kuZimbabwe vachiti airwara nemweya yetsvina asi pakanga pari pamuviri pavaitsind­idza kuti Mary asazvione. Apa vaitevedze­ra utsotsi hwese hwavakanga vaudzwa naPastor Mwenje kuti ndiho hwavaifani­ra kuzoita.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe