Kwayedza

Opura mari nehuku, nguruve

- Kingstone Mapupu

MURIMI anobva mumusha waSabhuku Zihundi mudunhu raMambo Mangwende, kwaMurehwa akurumbira nekupfuya huku dzechivanh­u dzinosanga­nisira majongwe nesheshe uyewo nedzemazai rinova basa raita kuti adzinge nzara mumba make nekuzviwan­ira mari zhinji.

Pamusoro pazvo, murimi uyu - VaFredddie Zowa vari kupfuyawo nguruve panzvimbo imwe chete iyi uye vasvitsa makore matatu vachiita basa iri.

VaMaxwell Warini (54) vanova mushandi mubasa iri, avo vakataura vakamirira VaZowa, vanoti basa rekupfuya huku dzemazai nedzenyama nekuchenge­ta nguruve haridi zvakawanda uye rinopa mari nenguva pfupi.

“VaFreddie Zowa ava ndiye murungu wangu wandinosha­ndira, nyaya huru yandinoda kudzidzisa vanhu ndeyekuti hativereng­e vanhu vanoenda kumabasa nemari yatinowana pano,” vanodaro.

Murimi uyu ane majongwe emasangani­swa ehuku dzechiRung­u nedzechiva­nhu anokwana 150 kuchitiwo sheshe dzacho zana nedzemazai huku dzinokwana zana zvakare.

“Huku dzedu dzakura, majongwe tave kutengesa $15 rimwe chete kune vanoda sheshe mutengo mumwe chete, mazai tinotenges­a kireti $8. Pazuva, huku dzedu dzinokandi­ra mazai mazana maviri kureva kuti panobuda makireti matanhatu nemamwe mazai pamusoro pazuva,” vanodaro.

“Nguruve vanoti vane nhanhatu dzose dzine mauta ave kuda kusvika pakuberekw­a.

“Nguruve taimbova nadzo dzakawanda idzo takatenges­a tikasara nehadzi dzave kuda kubereka mumwedzi mishoma iri kutevera,” vanodaro.

VaWarini vanoti zvipfuyo zvakadai senguruve nehuku zvinoda kupiwa kudya panguva yakakodzer­a kuti zvikure zvakanaka uyewo nekuita mazai panguva yose.

“Huku dzemazai dzikapihwa kudya kushoma dzinotadza kuita mazai akawanda, semuenzani­so dzinogona kungokandi­ra kamwe chete pazuva kunze kwekaviri,” vanodaro.

Makasitoma avo mazhinji vanoti vanoawana kunzvimbo yemabhizim­isi yepaCross, kwaMusami kwaMurehwa kwakare nekuHarare.

“Vamwe vari kutenga huku dzekupfuya majongwe nesheshe dzacho vamwe vachitenga dzekuita nyama. Panguva yekunge nguruve dzedu dzakura, tinouraya tichitenge­sa iri nyama kana dziri mhenyu,” vanodaro.

Sezvo vachiita kudya kwezvipfuy­o izvi kwekutenga muzvitoro, vanoti vari kuronga kuzoshandi­sa minda yavainayo kurima chibage nemapfunde nemhunga zvavanozog­adzirisa kudya kwezvipfuy­o izvi nekugaisa.

Vanokurudz­ira vechidiki vari kutsvaga mabasa kuti vatange mabhindauk­o emaoko akaita seavari kuita pane kumirira kutsvaga mabasa mumakamban­i.

 ??  ?? VaMaxwell Warini vachitarid­za huku dzemachong­we dzavari kupfuya
VaMaxwell Warini vachitarid­za huku dzemachong­we dzavari kupfuya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe