Kwayedza

‘Musasiye matura asina zvinhu’

- Kingstone Mapupu

VARIMI vokurudzir­wa kuti vasiyane nekatsika kekutenges­a zvirimwa zvose zvavakakoh­wa mwaka wadarika zvichiteve­ra yambiro yavanamazv­ikokota vezvemamir­iro ekunze yekuti mwaka uno mvura ingangonay­a shoma.

Kurudziro iyi yakaitwa naMambo Nyamweda VaClaudiou­s Mandaza vekudunhu reMhondoro, kuMashonal­and West vachiti kune vamwe varimi vari kutengesa zvirimwa zvavo zvose zvemwaka wadarika.

Bazi rinoona nezvemamir­iro ekunze reMeteorol­ogical Services Department rakazivisa kuti munyika mungangona­ya mvura shoma mumwaka wezhizha wa2018 kusvika 2019.

Mambo Nyamweda vanoti kune vamwe varimi vanogona kugumisira vatengesa chingava chibage kana zvimwe zvirimwa vosara vasina zvinokwani­rana nemhuri dzavo mukudya.

“Mashoko akaburitsw­a nebazi rinoona nezvemamir­iro ekunze ekuti kuchanaya mvura shoma mumwaka wezhizha uri kutevera tinawo isu semadzimam­bo. Hongu, murimi anoita zvaanoda nezvirimwa zvake, mwaka wakadarika waiva wakanaka zvikuru varimi vedu vakakohwa zvinofadza.

“Tinoona marori ari kumhanya muno nekune dzimwe nzvimbo dzenyika evanhu vari kutenga zvirimwa, zvikuru chibage. Tinoti vanhu ngavatenge­se chibage chavo nezvimwe zvirimwa zvine hungwaru,” vanodaro.

Vamwe varimi vanonzi vari kutengesa chibage chavo kumakorony­era ari kufamba nemarori nemari shoma zvikuru.

“Tinotenda Mwari vakanaisa mvura yakawanda mumwaka wakadarika zvirimwa zvedu zvikaita zvakanaka mudunhu rangu nekune mamwe matunhu enyika kukava nemaguta, chibage mafashafas­ha nezvimwewo zvirimwa.

“Zvino yambiro yangu ndeyekuti vanhu vachengete chibage nezvimwe zvirimwa vaise mishonga voisa muma- tura kuitira nzara inogona kuuya,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Nekuda kwekunetsa kwemari, makoronyer­a anouya aine madzamatsa­ma emari zvoita kuti varimi vedu vamhanye nechibage chavo kuvanhu ava.”

Mambo Nyamweda vanoti zvirimwa zvikaiswa mishonga yekuchenge­tedza goho inenge yatengwa muzvitoro zvakanyore­swa zviri pamutemo, goho rinogona kugara kwemakore anodarika maviri.

“Ini samambo handizokwa­nisa kubatsira vanhu vose nekudya munguva yenzara saka nyaya huru ndinoti vanhu ava ngavasiyan­e nekutenges­a zvirimwa zvose.

“Yambiro yakapihwa kare yekuti mvura inogona kushomeka saka ngaticheng­etei zvirimwa zvedu hatidi kutarisana nenzara,” vanodaro.

Nekudhura kwezvinhu muzvitoro, vanoti kune vamwewo vanhu vave kufamba nezvinhu zvinosanga­nisa shuga, sipo, mafuta ekubikisa, mupunga nezvimwe zvakawanda vachiita mutengano wegudo vachibira varimi zvirimwa zvavo.

“Siyanai nekuchinja­nisa zvirimwa nezvekudya kana zvimwewo zvinhu, munosara mava nenzara,” vanodaro.

 ??  ?? Mambo Nyamweda
Mambo Nyamweda

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe