Kwayedza

Muchatigut­a: Masomere

- Abel Ndooka

MURAIRIDZI weManica Diamond, Luke ‘Vahombe’ Masomere, anoti chikwata chake icho chiri kukwikwidz­a muCastle Premiershi­p kekutanga gore rino chauya zvachose uye hachina wachinovhu­nduka.

Mwaka uno, maziso ese achange ari paManica Diamond yekwaMutar­e iyo yakapinda muCastle Premiershi­p mushure mekunge yatamba nhabvu yainwisa mvura kuDivision One izvo zvakatuma hutungamir­i hwechikwat­a ichi kutaura kuti vanoda kuita mukurumbir­a muAfrica yese.

Asi achitaura neKwayedza svondo rino, Vahombe - uyo ave kudanwa nezita remadunhur­irwa nevatsigir­i kuti Dr of Football kana kuti His Excellency - anoti chikwata chake chauya zvachose muPSL.

“Isu sechikwata, chekutanga ndechekuti tauya zvachose uye hapana kwatiri kuenda. Handisi kuda hangu kuvimbisa kuti tichapinda torakasha zvimwe zvikwata kana kuhwina mikombe yakawanda mumwaka wedu wekutanga. Asi zivai kuti isu hatisi kuzongorak­ashwa sezvinoitw­a zvimwe zvikwata zvinenge zvapinda muPSL zvobva zvadzokera kwazvineng­e zvabva, kwete.

“Isu tauya kuzogara muno zvachose nekuti muno muPSL ndimo medu matinokodz­era kuve tiri,” anodaro.

Chero zvazvo Masomere achiti mwaka uno haadi kuvimbisa kuti vachasimud­za mukombe, chikwata chake chatenga vatambi vepamusoro vakawanda vanosangan­isira Partson Jaure, Marshall Mudehwe, Peace Makaha naPritchar­d Mpelele.

Anoti vari kuda kuti vazove chimwe chezvikwat­a zvikuru zvemuno zvenhabvu uye vozonomiri­ra nyika kunze kumitambo yeCAF Champions League nemimwe.

“Vatungamir­iri vechikwata chedu vanoda kuti isu tigove chimwe chezvikwat­a zvikuru zvenhabvu muAfrica, zvinogonek­a kuitika uye ndizvo tiri kushanda kuita saka tiri kuvaka uye munguva pfupi inotevera tichange tave padanho iroro,” anodaro.

Shasha iyi yashandura nhabvu kuManicala­nd zvekuti vatsigiri venhabvu vemudunhu iri vave kutomushev­edza vachimuti ‘His Excellency’ vachimurum­bidza nebasa raari kubata kusimudzir­a nhabvu.

“Handichang­onzi Dr of Football chete asi kuno ndave kutosheved­zwa saHis Excel- lency nekuti vanhu vari kufarira basa randiri kubata rekusimudz­ira nhabvu.

“Chikwata chedu chaunza mufaro kune vazhinji uye ndiko saka mazita aya erumbidzo ari kungowanda,” anodaro Masomere.

Zvichiteve­ra kuburitswa kwakaitwa Mutare City Rovers muCastle Premiershi­p mwaka wadarika, Manica Diamond ndiyo ichange yakamirira guta reMutare muPSL mwaka uno.

 ??  ?? Luke ‘Vahombe’ Masomere
Luke ‘Vahombe’ Masomere

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe