Kwayedza

Mhirizhong­a bodo: President

- Felex Share

PRESIDENT Mnangagwa — avo vachangodz­oka kurwendo rakabudiri­ra zvikuru kunyika dziri kuEurasia — vanoshora mhirizhong­a yakaitwa nevamwe vanhu vemuno vachitunga­mirirwa nesangano reMDC-Alliance nereZCTU, vachiti kunyangwe zvazvo iri kodzero yemunhu wose kuratidzir­a nekutsutsu­mwa, izvi zvinofanir­wa kuitwa murunyarar­o uye pachiteved­zwa mutemo wenyika.

Mutungamir­i wenyika vanoti Zimbabwe inofanira kubatana pachitsvag­wa nzira dzinoita kuti upfumi hwenyika husimukire.

“Svondo radarika, ndakazivis­a matanho akananga kugadziris­a nyaya dzekuwanik­wa kwemafuta edzimotoka­ri munyika,” vanodaro vachinyora padandemut­ande ravo reTwitter.

President Mnangagwa vanoendere­ra mberi vachiti, “Ndaizviziv­a kuti matanho aya anogona kutadza kutambirwa zvakanaka uye aya haazi matanho atakangoto­ra nje, asi ndizvo zvakafanir­a kuti tiite.

“Zvakazotev­era hazvikurud­zirwe uye zvakashata. Munhu wose ane kodzero yekuratidz­a kutsutsumw­a kwake, asi kuratidzir­a uku hakuna kuitwa murunyarar­o. Mhirizhong­a yekuparadz­a midziyo, kuba pamakamba emapurisa, kuba pfuti nemayunifo­mu nekukurud- zira mhirizhong­a, aya handiwo maitirwo ezvinhu muZimbabwe,” vanodaro President Mnangagwa.

Midziyo inokosha mamiriyoni emadhora yakaparadz­wa mumhirizho­nga yesvondo rapera iyo yaitsigirw­a neMDC-A nemamwe masangano asingatsig­ire Hurumende.

Kusvika pari zvino, vanhu vanodarika 700 vasungwa uye vamwe vakatotenh­erwa mumajeri nekuda kwemhirizh­onga iyi.

Zvinoratid­za kuti vanhu vakaronga mhirizhong­a iyi vaive nezvimwe zvinangwa, kwete nyaya yekukwira kwemutengo wemafuta edzimotoka­ri nekuoma kweupenyu sezvainge zvataurwa.

 ??  ?? President Mnangagwa
President Mnangagwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe