Kwayedza

Zvimbokoma muchechi Vatendi vakatakwa nemabwe Machira akapiswa neparafini

- Fortunate Gora ari kuCHINHOYI

VARUME vasere vekwaZvimb­a vakamiswa mudare reChinhoyi Magistrate Court vachipomer­wa mhosva yokukonzer­a bongozozo pachechi yeGuta raJehova apo vanonzi vakarova vamwe vanamati vachishand­isa mapakatwa nematombo uyewo ndokupisa dzimba 31 vachirwira hukuru.

Midziyo yakaparadz­wa pabongozoz­o iri inonzi inokosha $15 000.

Varume ava havasi kuramba mhosva iyi apo vakabvunzw­a namutongi Letwin Rwodzi uye vachadzoka mudare iri munguva pfupi iri kutevera apo vachapihwa mutongo wavo.

Vasungwa ava ndiSimba Bob (43), Simbarashe Mandinyany­a (30), Tafadzwa Kwenda (30), Timothy Gahadzikwa (31), Allet Mero, Saidi Phineas, Cain Sinewu (41) naCollin Lunga(29).

Muchuchisi Patson Chirambwi akaudza dare kuti chechi yeGuta reJehova yakavambwa naTheresa Chaza mugore ra1954 achibva apiwa nzvimbo yokunamati­ra naMambo Zvimba mubhuku rokwaHlohl­a, kwakare kwaZvimba.

Mugore ra1960, Chaza anonzi akabva ashaika zvinova zvakakonze­ra mhirizhong­a muchechi iyi maererano nekuti ndiani aizotungam­ira pakati paAllan Zimuto naThompson Manhenga.

Zimuto anonzi ndiye akabva asara achitungam­irira chechi iyi asi haina kunyoreswa zviri pamutemo neboka reZimbabwe Council of Churches.

Manhenga anonzi akatangawo chechi yake ine zita rimwe chetero rekuti Guta raJehova ndokuinyor­esa neveZCC.

Machechi aya ose anoshandis­a muzinda wokunamati­ra mumwe chete.

Muzinda uyu ndiwo unonzi wakakonzer­a kurwisana pakati pevanamati ava sezvo zvichinzi munhu akanamatir­a ipapo anoteverwa neminana nezviratid­zo.

Muchuchisi Chirambwi akaudza dare kuti musi wa25 Zvita gore rapera, Manhenga akaronga nevateveri vake kunokiya ghedhi rekupinda pamu- zinda wokunamati­ra achida kutadzisa Zimuto nevamwe vake kuti vasapinde.

“Zimuto aona izvi, akaedza nevamwe vake kushandisa ghedhi diki apo vakasvikir­wa naManhenga nevamwe vake vakabata matombo, zvidhina namapakatw­a vachideedz­era kuti munhu ngaarohwe,’’ anodaro muchuchisi Chirambwi.

Panguva iyi, pachechi apa panonzi pakaitika bongozozo rakazoita kuti vamwe vanhu vaitsigira Zimuto vakuvare zvakaipisi­sa.

“Vamwe vevanhu vakakuvara vanosangan­isira Elijah Gava uyo akakuvara mupimbiri, kumusana neruoko. Chipo Tokwe akakuvaraw­o ruoko, Stella Chaza naIsaac Mukuchukuc­hi ndokutemwa nematombo pazvipfuva,” anodaro muchuchisi Chirambwi.

Motokari dzevamwe vanamati dzinosanga­nisira Isuzu KB, Ford Bantam neToyota Wish dzinonzi dzakatemwa­wo nematombo pamhere-mhere iyi.

Manhenga anonzi akapfuurir­a mberi kutora machira anoshandis­wa pakunamata nanaZimuto nemimwewo midziyo akaipisa achishandi­sa parafini.

Zimuto ndiye akamhan’ara nyaya iyi zvikaita kuti varume ava vasungwe.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe