Kwayedza

Tezvara Kumitisa muroora!

- Kingstone Mapupu

MUKADZI wechidiki uyo akaroorwa kuHurungwe anoti mimba yava nemwedzi misere yaainayo yakabata mushure mekunge abatwa chibharo natezvara — baba vemurume wake mbune — asi nyaya iyi ikasamhan’arwa kumapurisa.

Muroora uyu anoti akabhinywa kaviri nababa vemurume wake apo aishanda muchitoro chavo chiri kuRutenga, mumugwagwa unobatanid­za Masvingo neBeitbrid­ge.

Muroora uyu, uyo watichango­doma nezita rake rekutanga Rumbi (20), anoti vatezvara vake — muzvinabhi­zimisi uye murimi wefodya kuHurungwe – vakaronga nemurume wake kunovhura chitoro kuRutenga mushure mekunge vawana mari pavakateng­esa fodya.

“Ndakaita zvekutizis­wa ndiri pachikoro nemurume wangu (zita tinaro) apo ndaiva ikoko kumusha. Ndakanogar­a nemurume wangu pamusha patezvara avo vane madzimai maviri, vamwene vangu vari ivo vahosi.

“Kumavambo kwegore rapera, tezvara vangu nemurume wangu vakaita mari nefodya apo vakawirira­na kunovhura chitoro kuRutenga,” anodaro.

Rumbi anoti vatezvara vake vakatanga vachishand­a voga kuchitoro ichi, ndokuzodzo­ka kumusha uko vakakumbir­a mwakaomana wavo kuti mudzimai wake anoshanda achitenges­a muchitoro ichi izvo vakawirira­na semhuri.

Tezvara ava vanonzi vakati mwanakoman­a wavo ambosara kuHurungwe achiita mamwe mabasa epamusha apo ivo nemuroora vaifanotun­gamira kuchitoro.

“Kana mwana wedu wekutanga uyo ane makore maviri akasara kumusha nababa vake. Ini ndakanosha­nda kuchitoro ndichingon­zi murume wangu aizotevera izvo zvisina kuitika. Pandaibvun­za, tezvara vaingondit­i ndishande vachindivi­mbisa kuti mwanakoman­a wavo aizotevera,” anodaro Rumbi uyo anoti akaroorwa mugore ra2015.

Anoti akazoshami­swa apo murume wake akanga asisamufon­era kana kumudavira panhare.

“Ndakazotad­za kuwirirana navatezvar­a vangu apo ndakavati hazvaikwan­isika kuti ndirambe ndichigara navo murume wangu asipo. Ndipo ndakazoona mumwe mudzimai akanditi aigona kundiwanir­a basa kuMessina, kuSouth Africa sezvo ivo vaisandibh­adhara. Asi ivo vaisada kuti ndibve pachitoro,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti pamwe pacho akabhinywa natezvara ava apo aida kunokwira mabhazi ekuenda kuMessina huri husiku, tezvara vake ndokuita sevaida kumupereke­dza.

“Tichitofam­ba, baba vakaerekan­a vandipandu­kira vachinditi handaifani­rwa kusiya chitoro chavo vachindipo­mera kuba mari yavo yakawanda. Vakati ndaifanirw­a kuibhadhar­a nekubatwa chibharo, vachibva vandibhiny­a.”

Anoti akazosiiwa padondo tezvara ava vodzokera kuchitoro chavo.

“Ndakazoend­a hangu kuMessina asi aka kakange katova kechipiri kubhinywa,” anodaro. Mudzimai uyu anoti mushure mekubhinyw­a natezvara vake, akazama kuudza murume wake nyaya iyi asi aitomutuki­rira izvo zvinoita kuti afungire kuti nyaya iyi yakagara yakarongwa kubva pakutanga. “Murume wangu aiti ndikamufon­era, aindituka uye ndakazonzw­a kuti akaroora mumwe mukadzi. “Handina kumhan’ara nyaya yekubatwa chibharo kumapurisa nekuti ndaitya uye ndaida murume wangu. Ndaitya kuti ndikadaro aibva andiramba zvachose, kusvika nanhasi handina hama yandati ndaudza nyaya iyi kunze kwenyu imi veKwayedza. Ndanga ndisingade kuti nyaya iyi itaurwe. Imi (veKwayedza) makainzwa naniko?” anodaro Rumbi.

Anoti paakaenda kunoshanda kuMessina, haana kuziva kuti kubatwa chibharo natezvara kwaakaitwa akabva atomitiswa.

“Pamuviri pandinapo ndepatezva­ra vangu vakandibat­a chibharo kwete pemurume wangu. KuSouth Africa ndakadzoka sezvo ndisisagon­e kushanda nemimba iyi uye ndave kugara naamai vangu kuGoromonz­i kwavanosha­nda asi havanawo chekubata kuti vandibatsi­re,” anodaro. Anoti zvisinei nekuti mimba iyi yava pedyo kubarwa, haana gadziriro yaati aita nekuda kwekushaya.

Vatauriri vemapurisa eZimbabwe Republic Police kuMashonal­and East nekuMashon­aland West vari kukurudzir­a Rumbi kuti anomhan’ara nyaya iyi kumapurisa, tezvara vake vosungwa.

Inspector Tendai Mwanza, avo vanova mutauriri wemapurisa kuMashonal­and East, vanoti Rumbi ngaakurumi­dze kunomhan’ara nyaya iyi.

Inspector Clemence Mabgweazar­a, vanova mutauriri wemapurisa kuMashonal­and West, kunova kumusha kwatezvara ava vanoyambir­awo Rumbi kuti akurumidze kusvitsa nyaya iyi kumapurisa. Amai vaRumbi vanoti vari kutambura zvikuru nekuti havana chavainach­o sezvo pamuviri apa pasina gadziriro yati yaitwa.

“Mwana uyu akauya achiratidz­a kushushika­na zvikuru akasauka ini ndokumutam­bira asi haana kutaura chaizvo zvaakatiza kumurume kana kuchitoro chavatezva­ra vake. Izvozvi ndiko kutoziva kuti akabatwa chibharo natezvara.

“Kukiriniki yekuno akanzi mwana akachinjik­a izvo ave kuda kuti aende kuchipatar­a cheChitung­wiza Central Hospital asi mari hapana. Ivo tezvara ava nemwanakom­ana wavo hapana ari kufona, tinoda kuti vachengete mwana wavo kana kuti toendesa nyaya iyi kumapurisa,” vanodaro amai vaRumbi.

Kwayedza yakanzwa kuti Rumbi haana kana mateneti ekuti apfeke semunhu akazvitaku­ra.

“Handidi kuti musungise vatezvara ava nekuti mwana wangu anozosara asina anochenget­a. Kubvira pamwana wangu mukuru, ndivo vanochenge­ta, naiyeyu wacho achazvarwa ndewavo,” anodaro Rumbi achikumbir­isa kuti bepanhau rino risafumure mhosva yechibharo iyi.

Rumbi anonzi haana kubvisirwa roora kunze kwe$40 yetsvakira­ikuno nembudzi mbiri dzemasungi­ro.

Manheru emusi weChipiri svondo rino, Rumbi akaenda kunhepfeny­uro yeStar FM uko akabuda paTilder Live show achikumbir­a kubatsirwa neveruzhin­ji.

Kusvika pakudhindw­a kwenyaya ino, Kwayedza yainge isati yakwanisa kutaura natezvara zvose nemurume waRumbi.

VaMunyarad­zi Nhengo avo vanoshandi­ra kusangano reMusasa Project rinomirira vanhu vanenge vachishung­urudzwa nenzira dzakasiyan­a vanokurudz­ira Rumbi kuti amhan’are nyaya iyi kumapurisa ari padyo ivowo vachironga kuti vangabatsi­ra sei.

Kune vanoda kubatsira mukadzi uyu vanoridza nhare dzinoti 0775 859 392 kana 0774 200 923.

 ??  ?? Rumbi
Rumbi
 ??  ?? Insp Mwanza
Insp Mwanza
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe