Kwayedza

MUTI WOITA MASHURA

Wakatemwa ukamuka Pashure ukazotaura Mayor weguta otsinhira

- Freedom Mupanedemo ari kuREDCLIFF

KURUKESHEN­I rwekuRuten­do, mudhorobha reRedcliff, kudunhu reMidlands, kunonzi svondo rapera kwakaitika manenji ehunde yemuti uyo wakadonhed­zwa nemhepo yaiva nedutu ukatanga kutaura uchirambid­za vagari veko kuti vasauteme huni, pashure ukazomuka woga ndokumira pakare.

Zvinonzi kune vanhu vakaita nharo vakatema huni pazimuti remuunze kana kuti mukaya iri, asi vakazoita bararamhan­ya apo zihunde remuti rakatanga kumuka roga rikamira zvakare.

Mayor weRedcliff, VaClyton Masiyatsva, vanotsinhi­ra vachiti mashura aya akaitika nemusi weChitatu svondo rapera.

“Patakanzwa kuti kune muti uri kutaura uye wasimuka ukamira woga mushure mekunge watemwa mapazi awo nevaida huni, handina kuzvibvuma kudzimara ndazoendaw­o panzvimbo iyi ndokusanga­na vevamwe vagari vemuno vanoti ndivo vevamwe vakatema huni pamuti uyu.

“Kutura kudai muti uyu wakatomira kuti twii uye unotoratid­za kuti wakatemwa zvekuti rangova zihunde,” vanodaro VaMasiyats­va.

Vanoti vakashamis­wa zvikuru nechiitiko ichi uye havaifunga kuti zvinhu zvakadaro zvingaitik­a.

“Ichi chishamiso muRedcliff. Vanhu vakange vatema huni pamuti uyu zvinonzi vave kutodzorer­a huni idzodzo,” vanodaro.

Mumwe mugari wemuRutend­o, Muzvare Eunice Madhovi, anoti vakatemawo huni pamuti uyu asi vakazonodz­idzorera.

“Pakadonha muti uyu, ini ndakaendaw­o nevamwe tikatanga kutema huni. Vakatanga kusvika vachitema huni pamuti uyu vanoti vainzwa izwi richiti ‘musanditem­a’.

“Isu patakanote­ma huni, hatina kumbonzwa inzwi iri asi takazosham­isika kuwana muti uya wamira zvakare uchingori zihunde,” anodaro.

VaRonald Gavi vanoti vakaona zihunde remuti uyu richisimuk­a.

“Ndakashami­swawo nazvo ndikamhany­a kudaidza vamwe kuti vaone mashura.

‘‘Handisati ndamboona zvakadai, zvinoda kuti titofamba sevagari vemuno muRutendo tinzwe kuti izvi zvinorevei,” vanodaro.

 ??  ?? Vanhu vachishami­sika nekuona zihunde remuti raive radonha uye ratemwa huni ramira pakare.
Vanhu vachishami­sika nekuona zihunde remuti raive radonha uye ratemwa huni ramira pakare.
 ??  ?? Zihunde remuti apo raive ratemwa kuitwa huni.
Zihunde remuti apo raive ratemwa kuitwa huni.
 ??  ?? Zihunde remuti ramira pakare.
Zihunde remuti ramira pakare.
 ??  ?? VaClyton Masiyatsva
VaClyton Masiyatsva
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe