Kwayedza

‘NDAKAFA NDIKAMUKA’

‘. . . kwadarika 2 days’ ‘. . . saka ndini mwari’

- Kingstone Mapupu, Ashley Muchamiri naMilcah Nhakura

PANE murume wemuHarare ari kuti akambofa, ndokuzomuk­a kwadarika mazuva maviri.

Yehoshuah Shadreck (43) — uyo ari kugara kuTynwald, asi kumusha achibva kwaKadhani, kuMhondoro — anoti akafa asi ndokuzomuk­a mutumbi wake usina kuwora.

Murume uyu — sezvinongo­itwa nevamwe vanozviti ndivana”jesu” – ava kuzvitiwo ndiye “mwari”.

Shadreck mukuru wechehi yeEvangeri yeUshe and Yehoshuah Messiah’s Church.

Ari kuzviti ndiye mwari mbune uyo akaburukir­a muZimbabwe.

Murume uyu — uyo anodaidzwa nevatsigir­i vake kuti “messiah” kana kuti “mwari” — anoti akafa akazomuka nezuva rechitatu, mutumbi wake usina kuwora apo aiva kunzvimbo yaanoti inoyera iri kuFeathers­tone, kuChivhu. Anoti ikoku ndiko kwakaburuk­ira mweya wehumwari maari.

“Vakawanda vanogona kupokana nazvo, kuti ini ndini mwari kana kuti messiah akaburukir­a munyika yedu yevatema muAfrica. Ini ndini chaiye wamunonama­ta uye vanhu muchaziva zvenyu nekufamba kwenguva.

“Chechi yandinotun­gamirira ndiyo yaMwari yakavambwa makore anokwana 2 000 adarika apo shoko rakatanga kuparidzwa. Yakavambwa naJohn the Baptist naJesus Christ,” anodaro Shadreck.

Murume uyu akaroora, ane mhuri uye vabereki vake anoti ndiDanniel Zhewu naJoyce Mundione.

“Chechi yangu inodudzirw­a mugwaro remuBhaibh­eri raMathew 24 verse 14 rinoti ‘Ivhangeri yeushe inofanirwa kuparidzwa kunyika dzose dzepasi rino’ izvo zvave kuitika muno.”

Shadreck anotizve amai vake vaiva chimbwido munguva yehondo yerusunung­uko rweZimbabw­e avo vakabata pamuviri, iye ndokuberek­erwa kuMhondoro kunova kumusha kwaamai vake.

“Ndaberekwa, amai vakanditum­idza zita rekuti Takaedza. Sezvo vaiva chimbwido, amai vangu vanonzi vakaenda kunopa vaiva varwi vehondo yerusunun

 ??  ?? Yehoshuah Shadreck
Yehoshuah Shadreck
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe