‘NDAKAFA NDIKAMUKA’
‘. . . kwadarika 2 days’ ‘. . . saka ndini mwari’
PANE murume wemuHarare ari kuti akambofa, ndokuzomuka kwadarika mazuva maviri.
Yehoshuah Shadreck (43) — uyo ari kugara kuTynwald, asi kumusha achibva kwaKadhani, kuMhondoro — anoti akafa asi ndokuzomuka mutumbi wake usina kuwora.
Murume uyu — sezvinongoitwa nevamwe vanozviti ndivana”jesu” – ava kuzvitiwo ndiye “mwari”.
Shadreck mukuru wechehi yeEvangeri yeUshe and Yehoshuah Messiah’s Church.
Ari kuzviti ndiye mwari mbune uyo akaburukira muZimbabwe.
Murume uyu — uyo anodaidzwa nevatsigiri vake kuti “messiah” kana kuti “mwari” — anoti akafa akazomuka nezuva rechitatu, mutumbi wake usina kuwora apo aiva kunzvimbo yaanoti inoyera iri kuFeatherstone, kuChivhu. Anoti ikoku ndiko kwakaburukira mweya wehumwari maari.
“Vakawanda vanogona kupokana nazvo, kuti ini ndini mwari kana kuti messiah akaburukira munyika yedu yevatema muAfrica. Ini ndini chaiye wamunonamata uye vanhu muchaziva zvenyu nekufamba kwenguva.
“Chechi yandinotungamirira ndiyo yaMwari yakavambwa makore anokwana 2 000 adarika apo shoko rakatanga kuparidzwa. Yakavambwa naJohn the Baptist naJesus Christ,” anodaro Shadreck.
Murume uyu akaroora, ane mhuri uye vabereki vake anoti ndiDanniel Zhewu naJoyce Mundione.
“Chechi yangu inodudzirwa mugwaro remuBhaibheri raMathew 24 verse 14 rinoti ‘Ivhangeri yeushe inofanirwa kuparidzwa kunyika dzose dzepasi rino’ izvo zvave kuitika muno.”
Shadreck anotizve amai vake vaiva chimbwido munguva yehondo yerusununguko rweZimbabwe avo vakabata pamuviri, iye ndokuberekerwa kuMhondoro kunova kumusha kwaamai vake.
“Ndaberekwa, amai vakanditumidza zita rekuti Takaedza. Sezvo vaiva chimbwido, amai vangu vanonzi vakaenda kunopa vaiva varwi vehondo yerusunun
◆