Kwayedza

Tambai nezvimwe, kwete naMwari

-

MAKORE ano kwava nemaporofi­ta ari kungonyuka achiti ari kushandisw­a nemweya waMwari uye vamwewo ndivo vari kuzvifanan­idza naJesu Kirisitu.

Sesvondo rino, tine nyaya yemurume wemuHarare uyo ari kuzviti ndiye mwari. Sekutaura kwemurume uyu, anoti akafa akazomuka mushure memazuva maviri nyama yake isina kuwora.

Zvinotonet­sa kuti unzwisise kuti munhu azosvika pakuzviti ndiye Mwari zvinenge zvichimbof­amba sei.

Kuti uti kurasika njere kana kuti munhu anenge adyei, unobva wazvishair­wa shumo yazvo. Chimwe chinoshami­sa ndechekuti unotona vanhu vane pfungwa dzakati kwesere vachitever­a vanenge vachizviit­a Jesu Kirisitu ava kana kuti mwari.

Makore adarika, mumwe musikana wekuGuruve akazviti ndiye Jesu uye vanhu vakawanda vakamuteve­ra.

Mbiri yemusikana uyu yakambosvi­ka kure asi nhasi uno hapana anoziva kuti zvakazofam­ba sei.

Mumwewo murume wemuHarare, Talent Madungwe, akamboita mukurumbir­a achiti akaenda kudenga kaviri achinoita musangano naMwari. Vaverengi vaKwayedza vakaguma vomuti ane dzisina kuti kwesere! Kwouyawo murume wekuMarimb­a, muHarare zvakare, ari kuzviti ndiye Jesu Kirisitu.

Inga Bhaibheri rinotaura pachena kuti kana Jesu Kirisitu odzoka kechipiri zvichaonek­wa nemunhu wose uye pasi rose.

Ko zvino avo vanogozvit­i ndana Jesu kuGuruve nemuHarare zviri kubva nepi? Nhasi uno mumwewo ave kufuma achiti ndiye Mwari mbune? Vanhu ngavazive zvekutamba nazvo, kwete kutamba naMwari.

Zviri pachena kuti vose vari kuzviti ndivo Jesu Kirisitu kana kuti Mwari vane zvinangwa zvekutsvag­a mbiri asi magumo acho vanozozvid­emba.

Mwari haazi wekuita dambe naye uye ane mwoyo murefu pamwe nemwoyo wekuregere­ra izvo zvinoita kuti vamwe vanhu vafunge kuti kana vakatamba nezita rake zvinongope­ra zvakadaro.

Kana munhu akatadzira mumwe, panogona kuita anokwanisa kuvayanani­sa senzira yekugadzir­isa zvinenge zvichinets­a pakati pavo. Ko zvino munhu akatadzira kana kumhura Mwari ndiani anokwanisa kumuyanani­sa? Vose vari kutamba nezita raMwari ngavazive kuti vacharangw­a kunyangwe zvazvo shamhu yaMwari ichinonoka nekuti ane mwoyo murefu, anoda kuti vanhu vatendeuka kubva muzvivi zvavo. Hazvina kunaka kutsvaga mbiri yakafanana nechitsiga chemoto isina kwainoenda. Zvakakosha­wo kuti veruzhinji vasangoten­da avo vanozviti maporofita nekuti vakawanda vacho ndevenhema uye varipo bedzi kunyengedz­a vanhu nekuvarozv­a upfumi hwavo.

Kune vamwe vanhu vari kubatiswa mabasa anokunda ngoma kurira nevamwe vari kuzviti maporofita. Chazobuda hapana, dzinongova nhamo bedzi! Mamwe emaporofit­a aya ari kukonzera kuparara kwemhuri nekuda kwemanyepo avo mushure mekunanga vanhu huroyi.

Mwari mumwe chete nekudaro kurotomoka chaiko kuti munhu akazvarwa nemurume nemukadzi nhasi uno anofuma ozviti ndiye mwari.

Tambai nezvimwe vanhuwe!

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe