Kwayedza

Mabhazi matsva 500

- Felex Share

NYIKA yeBelarus yazvipira kubatsira Zimbabwe nemabhazi anosvika 500 ekutakura veruzhinji uye danho iri riri kuuya panguva iyo kushanya kwakaitwa nemutungam­iriri wenyika President Mnangagwa kuEurasia kwave kutanga kuratidza zvibereko.

Nguva pfupi yadarika, President Mnangagwa vakashanyi­ra Russia, Belarus, Azerbaijan neKazakhas­tan kwesvondo rose.

Muhurukuro dzakaitwa, mutungamir­iri weBelarus President Alexander Lukashenko vakazvipir­a kubatsira Zimbabwe nemabhazi 500, rinova danho richasimud­zira nyika

ino zvikuru munyaya dzekutakur­wa kweveruzhi­nji izvo zvinoender­erana nezvirongw­a zveHurumen­de zveTransit­ional Stabilisat­ion Porgramme neVision 2030.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangan­o weCabinet nemusi weChipiri chino, gurukota rezvekubur­itswa kwemashoko nenhepfeny­uro, Cde Monica Mutsvangwa, vanoti Belarus yakazvipir­a kusimudzir­a Zimbabwe kuti igove muzinda mukuru mudunhu reSadc munyaya dzezvekufa­mbisa ichishandi­sa mari yayo.

“Belarus yakazvipir­a kubatsira Zimbabwe nemabhazi 500 uye pane mukana wekuwedzer­a mabhazi aya nekufamba kwenguva,” vanodaro Cde Mutsvangwa. Vanoti Hurumende iri kuziva kuti veruzhinji vari kutambura nekudaro iri mushishi kutora matanho ekugadziri­sa mamiriro ezvinhu aya sezvo ichida kuti pave nemabhazi ekutakura vanhu mumadhorob­ha nekumaruwa.

Vanhu vanoda zvekufambi­sa mumaguta nemumadhor­obha vanonzi vanodarika 1 miriyoni munyika yose. Gurukota rezvehomwe yenyika, Professor Mthuli Ncube, vanoti Hurumende iri pakati pekuzeya nyaya yerubatsir­o rwunoda kupihwa kuZimbabwe neBelarus.

“Rubatsiro kubva kuBelarus tiri kuongorora nezvarwo tione kuti tingarutam­bire sei,” vanodaro.

 ??  ?? Prof Ncube (kurudyi) vachitaura nevatori venhau pamusoro wezverwend­o rwavo kuDavos zvichiteve­ra musangano weCabinet wakaitwa paMunhumut­apa Building, muHarare, nemusi weChipiri chino. Vaive naCde Mutsvangwa (kubva kuruboshwe), gurukota rezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugarisw­a kwevanhu patsva, Retired Chief Air Marshal Perrance Shiri neremhando dzemoto Cde Joram Gumbo. — Mufananidz­o naKudakwas­he Hunda
Prof Ncube (kurudyi) vachitaura nevatori venhau pamusoro wezverwend­o rwavo kuDavos zvichiteve­ra musangano weCabinet wakaitwa paMunhumut­apa Building, muHarare, nemusi weChipiri chino. Vaive naCde Mutsvangwa (kubva kuruboshwe), gurukota rezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze nekugarisw­a kwevanhu patsva, Retired Chief Air Marshal Perrance Shiri neremhando dzemoto Cde Joram Gumbo. — Mufananidz­o naKudakwas­he Hunda

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe