Akafushira chitunha chemwana mutsime
MURUME wekuBattlefield, kuKadoma,akasungwanemapurisa nemhosva yaari kupomerwa yekupondamwanakomanawake nekumurovanechidanda,ndokuzonovigamutumbiwakemutsime.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, InspectorClemenceMabgweazara vanotsinhira nyaya iyo yavanoti yakaitika nemusi wa28 Zvita gore rapera. “Tine mwana ainzi Elijah Horinda (10) wepaPlot 2 kunzvimbo yeAbenrue kuBattlefield, kuKadomauyoarikufungidzirwa kutiakapondwanababavake,BlessedHorinda(31).Babaavavakatosungwanemapurisauyevarikubatsiramukuferefetwakwenyayaiyi,” vanodaro Insp Mabgweazara.
Vanoti masikati emusi wa28 Zvita gore rapera, Blessed anonzi akatora chitanda chemuti ndokutanga kurova mwana wake achiti aimuranga pamhosva dzekuba dzaaipomerwa nevemunharaunda. Pairohwamwanauyu,mudzimaimudikiwaBlessed—Aquiline Chinyama (25) — aiva aripo asi akayeva.
“Mudzimai mudiki uyu aona kuti maroverwo aiitwa mwana aingeanyanya,anonziakazotuma wake mwana wemakore 7 kunoshevedza munin’ina wemurume uyu, Bryn Horinda (30). Bryn anonzi akasvikoona mwana uyu ava nemavanga ekurohwa muviri wose uye asisakwanise kufamba. Akadzokerakumbakwakepasina zvaataura,” vanodaro.
Bryn anonzi akazodzokera kumbakwemukomawakehusiku ukoakasvikoudzwanaBlessedkuti mwana uyu ainge atiza pamba nekudakwekumurovaukoakanga aita. Insp Mabgweazara vanoti Bryn haana kugutsikana.
“Bryn akazivisa dzimwe hama ndokutsvaga mwana uyu uyo vasina kuwana. Nemusi wa17 Ndira, Bryn akazotorana nevamwe vanin’ina vake ndokuenda kurimwe tsime raisashandiswa uko vakanowana rakafushirwa ndokurifukunura vakawana mutumbi wemwana urimo,” vanodaro Insp Mabgweazara. “Vatatu ava vakabva vanomhan’aranyayaiyikumupurisawemumushauyoakanosunga baba vemwana uyu ndokuenda navokukambayemapurisayeBattlefield,”vanodaroInspMabgweazara.Pakazofukunurwamutumbi wemwana uyu nemapurisa, wakawanikwa watowora.
“Nyaya iyi iri kuferefetwa apo baba vemwana uyu vari kubatsirananemapurisa,”vanodaroInsp Mabgweazara.