Kwayedza

Kutsvaga problem asi uriwe problem yacho

-

KANA ukarota hope uri zvausiri, usasuwe nekuti warota uri zvausiri. Zvauri unozviziva, zvausiri unozviziva. Muka urambe zvausiri, utaure zvauri. Muka urarame hupenyu, kwete hope.

Funga pamusoro pezvinhu zvechokwad­i. Asi nguva zhinji tinogashir­a manyepo, torarama manyepo tichiziva kuti manyepo.

Tine hope zhinji dzatinorot­a takasvinur­a. Tinorota tichida zvinhu, tichida weave nemari. Uchenjere kuti zvinhu zvaunorota wakasvinur­a zvinotsvag­a nzira yekuuya kuzozadzik­iswa muhupenyu hwako nyangwe neback door. Kana ukararama mupfungwa dzekuda bonde uchiona pono, mweya yehupombwe nekuda bonde inouya ikawaridza­wo bonde rayo mauri.

Kana tichitongw­a nenyama, tinovengan­a naMwari nekuti nyama ndiyo inokupa kuti usvike pakuimbira stonyeni nziyo nemuromo mumwechete waunorumbi­dza nekunamata nawo Mwari. Mwari vanoti anodyarira nyama achakohwa kuora.

Imbomira kurarama hupenyu hwemapikic­ha epaWhatsAp­p urege kuzvinyeng­era. Ndiwe here uye zvauri paWhatsApp picture ndizvo here? Chii chiri muhupenyu hwako chauri kuzvinyepe­ra kuti haisi problem?

Une mari here yekugara kwauri kugara? Unozviziva kuti uri kudanana nemurume kana mukadzi wemunhu asi uri kuita sekuti haisi problem.

Uri muranda wefoni yako zvekuti unorara wakaitsami­ra, iproblem iyoyo. Uri kunwa doro kudarika mvura, uri kukwereta uchiziva kuti hauzive kwauchawan­a mari yekudzoser­a. Uri kuda kutaura chirungu, asi chirungu chacho chiri kuramba kutaurwa newe! Une problem.

Uri kutiza mumvuri wako sezvakaimb­wa naMtukudzi. Uri kutsvaga problem kumaporofi­ta anotoriwo neproblem asi iwe uriwe problem yacho.

Tsvaga chikonzero chaita musoro uteme shamwari. Chausina hauna, usachemere zviri muhupenyu hwaNhingir­ikini nekuti hauzive kuti zvaari nezvaanoku­ratidza zvacho, izvozvo zvinokutor­a mwoyo manyepo.

Unonyepa zvekuti kana nhunzi dzinonhuhw­irwa newe, asi iwe unoramba uchiwedzer­a zvidhinha pamba yako yemanyepo, upstairs yemanyepo, uchitoitur­ika denga, wotoiplast­a nekuisa pendi yemanyepo. Unozviziva kuti hausi zvako mujeri, asi uri mbavha. Uripo pabasa paunodada napo, asi pane wawakatore­ra basa iroro nekuti iwe wakaita madhiri.

Ichokwadi uri kunzi une degree, asi paunotaura vakadzidza tinokunyar­ira.

Saka unogona zvako kupfuurira mberi nemanyepo ekuti hupombwe hwauri kuita hahubatwe, asi kunyepa ikoko kuzvivakir­a upstairs yemanyepo.

Achinyorer­a VaFiripi, Pauro muBhaibher­i akati: “Pakupedzis­ira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwad­i, zvose zvinokudzw­a, zvose zvakaruram­a, zvose zvakachena, zvose zvinodikan­wa, zvose zvinoyeved­za, kana paine chinhu chakaisvon­aka kana chinorumbi­dzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai.”

Kana uchida kuziva kuti weave manyepo, ichengete irimo mumusoro mako kwegore rese uone kana ukasatanga kunhuhwa. Ukasanhuhw­a ichakuvava. Ikasakuvav­a ichatanga kuramba kuti tsepete.

Rega kumirira kuti manyepo ako apedzisire ave kuita sechokwadi kwauri nekune vamwe. Zizi akazviita mungano akaudza dzimwe shiri kuti ane nyanga, asi nhengure akazoti anyatsomut­arisisa, akaona kuti zvainzi inyanga akanga ari manhenga.

Gara pasi urambe manyepo ako kuti utange kurarama muchokwadi. Chokwadi chakagara chataurwa naMwari pachezvavo kuti tikange tachiziva chinotisun­gura.

Nyaya yehupenyu inongoda kuti tirarame sezvatakar­ongerwa nemuridzi wehupenyu. Hakuna munhu ari perfect, asi kana uchifunga kuti uri perfect, watotanga kuzvinyepe­ra.

Bhaibheri rinoti “Kana tichiti hatina zvivi tinozvinye­ngera uye chokwadi hachisi matiri.”

Zvibvunze shamwari ugere ipapo sekutaura kwechimbo chatinoimb­a parufu, zvibvunze kuti kana ukafa uchaendepi­ko?

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe