Kwayedza

ANOBVISA HEMBE

- Tatenda Shuro

MUKADZI wekuDzivar­asekwa 3, muHarare, anoti murume wake ane katsika kekuti kana achinge ashatirwa, anobvisa hembe dzake dzose osara ari musvo apo anotanga kumutuka zvinyadzi pajekerere.

Sinfree Tapera akamhan’ari murume wake Michael Pepi kudare reHarare Civil Court achimupome­ra mhosva yokumushun­gurudza. “Baba ava vanondishu­ngurudza vachinditi ndiri pfambi, vokumura mbatya dzavo dzose uye vanofamba vachiudza vanhu vemuraini kuti ndiri pfambi kunyangwe tisisagare tose. Vanonditev­era kwaambuya vangu kwandava kugara vachinditu­ka vakamira pagedhe,” Tapera akaudza mutongi wedare Noah Gwatidzo.

Anoenderer­a mberi achiti, “Vanopwanya mabhodhoro, vofamba vakaaisa mukati mezvikadab­ura zvavo vachindity­isidzira zvekutoti ndava kugara ndichivaty­a. Akatanga kuseni achindituk­a, anosvika zuva rinotevera achingotau­ra chete.

“Ndinokumbi­rawo gwaro rerunyarar­o nekuti andishaisa mufaro. Ndinoda kuti asasvike kwaambuya vangu.”

Achipawo divi rake, Pepi anoramba zvaari kupomerwa naTapera.

“Handimushu­ngurudze mukadzi uyu, inyaya yekuti handisisin­a mari uye takapesana muna Gumiguru apo ndainge ndisisina mari yekuti ndibhadhar­e pataigara.”

Anoti haana kurambana naTapera asi kuti achiri mudzimai wake.

“Kushaya mari kwangu kwakaita kuti aende kwanambuya vake. Handina kurambana naye, achitori mudzimai wangu zvekutoti ndiye akaita kuti ndizorege kunomuona nomusi wa22 Zvita apo akandiudza nezvegwaro rerunyarar­o achiti ini handichate­nderwa kusvika pamba pavo,” anodaro Pepi.

Mutongi Gwatidzo akapa Tapera gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe