ORAMBIRWA SADZA MBODZA
‘Imbonodzidziswa kubika’ ‘Mai vangu vanokukunda’
MUMWE mukadzi wekuSouth Africa anonzi akagurwa kunorira nemurume wake zvichitevera kurambwa kwaakaitwa achinzi anobika sadza mbodza.
Dimakatso Mafane (ari pamufananidzo) anogara kunzvimbo yeBergma, kuMangaung, svondo rapera akarambwa nemurume wake - Andrew Nkukoane (46) – ndokunzi adzokere kumba kwevabereki vake nechikonzero chekutadza kubika sadza zvakanaka.
Vaviri ava vange vagara vose kwemwedzi mitatu bedzi.
“Takawirirana kuti tigare tose mushure mekunge tadanana kwemakore mashanu. Asi anogara achingogunun’una achiti handigone kubika sadza zvakanaka zvose nekukanga nyama,” anodaro Mafane.
Zvisinei, mukadzi uyu anoti anofunga kuti dambudziko harizi rekuti haagone kubika sadza, asi kuti Nkukoane akawana basa uye ndiye aimbomuchengeta nguva yose iyi.
“Ainge asingashande patakatanga kugara tose uye ndini ndaimuchengeta. Akatsvaga tunyaya-nyaya twekuti tirambane mushure mekunge awana basa mwedzi wadarika,” anodaro.
Mafane anoenderera mberi achiti, “Musi weMuvhuro, ndakashamisika apo akandiudza kuti amai vake vanobika zvakanaka kudarika ini.
“Zviri kuramba kupinda mupfungwa dzangu kuti akandiramba nenyaya yakutadza kubika. Ari kunyepa, ava nevamwe vakadzi vaari kudanana navo. Kumashure kwese uko, aifarira chaizvo zvandinobika, asi iye zvino ave kuti hazviite.”
Asi Nkukoana anosimbisisa kuti ari kurambira Mafane kutadza kubika. “Anozviziva kuti ndinoda sadza nenyama, asi haagone kunyatsozvibika. Ngaarege kundipomera nyaya dzekudanana nevamwe vakadzi uye ogamuchira nyaya yekuti haagone kubika chete,” anodaro.
“Ndichiri kumuda. Ndinogona kumutora zvakare togara tose kana akadzidza kubika zvakanaka nekuve mudzimai kwaye mumba.” —Daily Sun