Kwayedza

ORAMBIRWA SADZA MBODZA

‘Imbonodzid­ziswa kubika’ ‘Mai vangu vanokukund­a’

-

MUMWE mukadzi wekuSouth Africa anonzi akagurwa kunorira nemurume wake zvichiteve­ra kurambwa kwaakaitwa achinzi anobika sadza mbodza.

Dimakatso Mafane (ari pamufanani­dzo) anogara kunzvimbo yeBergma, kuMangaung, svondo rapera akarambwa nemurume wake - Andrew Nkukoane (46) – ndokunzi adzokere kumba kwevaberek­i vake nechikonze­ro chekutadza kubika sadza zvakanaka.

Vaviri ava vange vagara vose kwemwedzi mitatu bedzi.

“Takawirira­na kuti tigare tose mushure mekunge tadanana kwemakore mashanu. Asi anogara achingogun­un’una achiti handigone kubika sadza zvakanaka zvose nekukanga nyama,” anodaro Mafane.

Zvisinei, mukadzi uyu anoti anofunga kuti dambudziko harizi rekuti haagone kubika sadza, asi kuti Nkukoane akawana basa uye ndiye aimbomuche­ngeta nguva yose iyi.

“Ainge asingashan­de patakatang­a kugara tose uye ndini ndaimuchen­geta. Akatsvaga tunyaya-nyaya twekuti tirambane mushure mekunge awana basa mwedzi wadarika,” anodaro.

Mafane anoenderer­a mberi achiti, “Musi weMuvhuro, ndakashami­sika apo akandiudza kuti amai vake vanobika zvakanaka kudarika ini.

“Zviri kuramba kupinda mupfungwa dzangu kuti akandiramb­a nenyaya yakutadza kubika. Ari kunyepa, ava nevamwe vakadzi vaari kudanana navo. Kumashure kwese uko, aifarira chaizvo zvandinobi­ka, asi iye zvino ave kuti hazviite.”

Asi Nkukoana anosimbisi­sa kuti ari kurambira Mafane kutadza kubika. “Anozviziva kuti ndinoda sadza nenyama, asi haagone kunyatsozv­ibika. Ngaarege kundipomer­a nyaya dzekudanan­a nevamwe vakadzi uye ogamuchira nyaya yekuti haagone kubika chete,” anodaro.

“Ndichiri kumuda. Ndinogona kumutora zvakare togara tose kana akadzidza kubika zvakanaka nekuve mudzimai kwaye mumba.” —Daily Sun

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe