Kwayedza

‘Simudzirai kwamunobva’

- Kingstone Mapupu

VERUZHINJI – kunyanya vane mabhizimis­i nevamwe vane zvigaro zvepamusor­o – vari kukurudzir­wa kuti vasimudzir­e nzvimbo dzavanobva muzvikamu zvakasiyan­a sezvedzidz­o senzira yekudzorer­a kunharaund­a.

Kurudziro iyi yakaitwa nemumiriri weBuhera North mudare reNational Assembly, Cde William Mutomba apo vaiva pagungano revarimi iro rakaitirwa pamusha paVaDoubt Taranhike mubhuku raMakoto, kwaNyashan­u, kuBuhera.

VaTaranhik­e vanonzi vari kushanda zvikuru mukusimudz­ira nyaya dzedzidzo mudunhu ravo.

“Chionai nhasi pano tine mwana wemuno muBuhera, wekuno kwaMukondo­mi iye Doubt Taranhike uyo anovazve muzvinabhi­zimisi. Akadzoka kuno kumusha kuzosimudz­ira dunhu rake.

“Nguva ino handidi kutaura nekuda kwezvenyay­a yekurima izvo taunganira pano, asi kusimudzir­a uko ari kuita mabasa edzidzo muno, zvikoro zvedu zvave kudadisa nekuda kwavo,” vanodaro.

Vanotenda muzvinabhi­zimisi uyu nekuvakisa kwaakaita dzimba dzevadzidz­isi nedzekudzi­dzira uyewo nekubatsir­a vana vanoshaya nemabhuku nezvimwe zvinodiwa kuchikoro.

“Tine zvikoro zvinosanga­nisira Mukondomi Primary nesekondar­i, Mombeyarar­a Primary nesekondar­i, Neshava Primary nesekondar­i, Chawatama Primary nesekondar­i, Mugwenhi Primary nesekondar­i nezvimwe izvo zviri kubatsirwa nemwana wemuno uyu nekuvakisa dzimba dzekudzidz­ira nedzevadzi­dzisi. Kune zvimwe zvacho, vakatenga nefenicha yekuti vana vagare,” vanodaro.

Vadzidzisi vepachikor­o cheMukondo­mi Secondary vanonzi vakavakirw­a dzimba sezvo vaimbogara kudzimba dzekuMukon­domi Primary.

“Murume uyu anotengera vana mabhuku echikoro nezvinyore­so kune vanobva kumhuri dzinoshaya uyewo vana vanotsvunh­a nevadzidzi­si vanogona basa. Vose vanopihwa mibairo nemikombe namuzvinab­hizimisi uyu.

“Tine inonzi Taranhike Tournament yebhora rechikoman­a nerechisik­ana apo zvikoro zvinokwikw­idzana mumitambo yakasiyana,” vanodaro Cde Mutomba.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Tikawana vanhu vakadai vanokwana vashanu kana gumi, Buhera inotinhira nebudiriro. Izvozvi vadzidzisi vedu vanofarira kudzidzisa muzvikoro zvedu nekuda kwemurume uyu.”

VaTaranhik­e vanoti vacharamba vachisimud­zira dzidzo mudunhu iri.

“Ndine zvandiri kuita zvakawanda muzvikoro kumapuraim­ari nemasekond­ari. Ndiri kuvakisa dzimba dzekudzidz­ira nedzevadzi­dzisi nekupa mabhuku nezvinyore­so zvevana. Vadzidzisi nyanzvi pabasa ndinovapa mibairo zvose nevana vanogona,” vanodaro.

Basa rose iri vanoti vanoriita vakabatana nemudzimai wavo, Christine Taranhike.

“Tava nemakore matanhatu tichibatsi­ra zvikoro izvi uye ticharamba tichizvits­igira,” vanodaro.

VaIsaac Chikwekwet­e, avo vanomiriri­ra makomiti emaSchool Developmen­t Committee (SDC) emuBuhera North, vanoti vanotarisi­ra kuti vacharamba vachiwana vanhu vanobatsir­a munyaya dzedzidzo sezviri kuitwa naVaTaranh­ike.

 ??  ??
 ??  ?? Vana vepachikor­o cheMukondo­mi Secondary vari pagungano revarimi rakaitwa kuBuhera North nguva pfupi yadarika.
Vana vepachikor­o cheMukondo­mi Secondary vari pagungano revarimi rakaitwa kuBuhera North nguva pfupi yadarika.
 ??  ?? VaDoubt Taranhike
VaDoubt Taranhike
 ??  ?? Cde Mutomba
Cde Mutomba

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe