Kwayedza

Nhoroondo yemunyori

- Munyaradzi Gunduza

NHOROONDO yemunyori inokosha zvikuru pakunzwisi­sa chinyorwa chake.

Izvi zvinodaro nokuti munyori anogona kuratidza zivo yake maererano nenzvimbo yaakamboga­ra, zvakamboit­ika kwaari, zvaakanzwa munhoroond­o yedzinza rake, makuriro ake, zvinhu zvaakasang­ana nazvo, nezvimwewo.

Zvese izvi zvinobatsi­ridza munyori paanonyora bhuku kuti abude nenyaya inonakidza, kusuwisa, kuchemedza, kusekesa kana kudzora ndangariro. Nokudaro tichaedza kutarisisa nhoroondo yemunyori webhuku rinonzi Manyambiri.

Bhuku iri rakanyorwa naMacylin Mubuya uyo akaberekwa musi wa12 Kukadzi 1987 kuKadoma.

Akadzidza paBrompton Primary School muKadoma makare ndokuzoped­zisa paChiveso Primary School, kuBindura. Macylin akaita sekondari yake kusvika A-Level paChipindu­ra High School, muBindura ndokuzoend­a kuUniversi­ty of Zimbabwe uko akatora BA (Hons) Shona muna2008. Pari zvino ari kudzidzisa Shona neChiRungu paLangham Girls High, kuMashonal­and Central. Anofarira kunyora nyaya dzeShona neChiRungu uye rino ibhuku rake rekutanga kutsikiswa. Akaroorwa uye ane vana vaviri.

Pfupiso:

Rungano rwuno rwakaitika panguva yepasichig­are vanhu vachiri kurarama kusati kwave nezvakawan­da sezvaveko muzuva ranhasi. Rungano urwu rwunotsets­enura tsika nemagariro aiita vanhu pasichigar­e.

Munyori anotipinza munyika yaShe Njeremavhu umo matinoona murume ainzi Rufuse nemudzimai wake vanonzi vakanetsek­a zvikuru kwemakore mazhinji vasati vawana mbereko vave nechipo chevana vaviri vanove mapatya echisikana.

Vana ava vakatumidz­wa mazita ekuti Paidamoyo naPaidokwa­iriramoyo.

Zvino panoita makakatanw­a makuru munyika iyi sezvo mutemo muchinyaka­re waisatende­ra kuti manyambiri achengetwe.

Mumwe chete wemapatya aya aifanira kuuraiwa kunyanya uyo aigumisira kubuda pakuzvarwa kwavo. Mambo Njeremavhu pavanoona runako rwevana ava rwakavatya­madza kunyangwe zvazvo vaive vacheche vanovimbis­wa naRufuse aive baba vemapatya kuti aizovapa mumwe chete wevana vake kuti aite bango ravo.

Izvi hazvina kutora nguva refu kuti Mambo Njeremavhu vatende mazviri ndokubvuma zano raRufuse.

Mushure mekunge midzimu yemunyika yaShe Njeremavhu yabvunzirw­a maererano nechiitiko ichi, inoramba kuti matakanaka akadai aitwe ndokutende­ra nevanji wamambo kuti azove iye achashara mumwe wemapatya aya kana achinge avafarira.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe