Kwayedza

‘MURUME WANGU AKAROMBA’

‘Zvidhoma zvake zvatitambu­dza’ ‘Vana vedu vanongova marombe’

- Michael Magoronga

MUDZIMAI wekuKwekwe akashamisa vanhu vaive mudare reko apo akati murume wake — uyo waagara naye kwemakore 40 – ane zvidhoma zviri kukonzera kutambura kukuru mumhuri yavo.

Sostina Mushonga akataura mashoko aya mushure mekunge amhan’arirwa kudare iri nemurume wake, Godfrey Sibanda, achida gwaro redzviriro sezvo ari kuti amushaisa rugare nekumushun­gurudza.

Sibanda anoudza mutongi wedare iri Vimbai Mtukwa kuti akasiyana naMushonga makore matatu adarika, asi mukadzi uyu anoenda kubasa kwake kuchipatar­a cheSilobel­a Hospital achinomush­ungurudza nekumukang­anisa rugare.

“Anouya kubasa kwangu achindituk­a achinditi ndichazvio­na. Ndinogaroc­hema nekuda kwemashoko aanondiudz­a kana auya kubasa kwangu. “Handichada kumuona kubasa kwangu nekuti ndichiri kubhadhara rendi yekumba kwaanoroja nekutenga girosari kunyangwe zvazvo takasiyana,” anodaro Sibanda.

Mushonga anoudza dare kuti Sibanda ari kutsvaga nzira yekumuramb­a nayo nekuti haadi kurasa zvidhoma zvake izvo zviri kushunguru­dza mhuri yavo.

“Anoziva kuti zvinhu zvaanazvo zviri kukonzera kutambura kukuru neminyama mumhuri yedu. Vana vangu vose havashande uye marombe nekuda kwezvinhu zvaanazvo. Hapana chatakaita chinooneka kwemakore 40 adarika kubvira patakaroor­ana,” anodaro mukadzi uyu.

Mushonga anoenderer­a mberi achiti, “Ndazama kumuti aone kuti zvinhu izvi zviri kukanganis­a upenyu hwevana asi ave kutoda kundiramba kuitira kuti aroore mumwe mukadzi. N’anga dzakamuudz­a kuti arase zvinhu izvi asi iye haadi. Ndiko kusaka ari kuda kuti ndisamusha­nyire nekuti ndinogara ndichimuud­za chokwadi.”

Mutongi Vimbai Mtukwa akapa Sibanda gwaro redzivirir­o ndokumuti kana achida kurambana naMushonga, anofanira kutevedza mutemo asati aroora mumwe mukadzi.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe