Kwayedza

Mutemo womutsa mabasa

- Africa Moyo

KUTANGA kushanda kwemutemo wePublic Procuremen­t and Disposal of Public Assets (PPDPA) Act (Chapter 22: 23) – uyo unofanirwa kutevedzwa nemakamban­i nemamwe mapoka ari pasi peHurumend­e uye nemakanzur­u pakutenga nekutenges­a zvinhu – kwaita kuti mabasa awanike kune avo vane magwaro edzidzo akakodzera.

Nguva pfupi yadarika, pakabuda mashoko eshambadzo mumapepanh­au, mumaredhiy­o, paterevhiz­heni nedzimwe nzira dzekushamb­adza apo makambani nemakanzur­u aitsvaga vanhu vanopinda basa pachigaro chaprocure­ment officer sezvinodiw­a nemutemo.

Svondo rapera, Insurance Pensions Commission (IPEC), Pfura Rural District Council (RDC), Rushinga RDC, Upper Manyame RDC and Bikita RDC nemamwe makambani nemakanzur­u akasiyana, vose vakashamba­dza vachitsvag­a vanhu vanoda kupinda basa semaprocur­ement officer.

Kanzuru yeChitungw­iza inoda kupinza basa procuremen­t manager apo yeGutu Rural District Council inoda procuremen­t and stores control officer.

Chamangwiz­a weProcurem­ent Regulatory Authority of Zimbabwe (PRAZ), VaNyasha Chizu, vanotsinhi­ra kuti kuuya kwemutemo uyu kwamutsa mabasa ane chitsama.

“Ichokwadi, mutemo mutsva uyu waita kuti mabasa avepo kune avo vane magwaro edzidzo akakodzera,” vanodaro VaChizu.

“Hurumende inoona nyaya dzekutengw­a nekutenges­wa kwezvinhu dzakakosha kuitira kuti basa rifambe zvakanaka. Pane mabasa ave kumuka munyaya dzekutenga nekutenges­a uye ndicho chikonzero muri kuona kuwanda kwekushamb­adzwa kwemabasa ane chekuita nezvekuten­ga nekutenges­a,” vanodaro.

Hurumende ine donzvo rekuti vanhu vawane mabasa izvowo zvinosimud­zira upfumi hwenyika.

Mutemo wePPDPA Act wakakumiki­dzwa gore rapera.

Mutemo uyu wakaoona kuumbwa kweProcure­ment Regulatory Authority of Zimbabwe (PRAZ).

Nguva pfupi yadarika, PRAZ yakazivisa pamusoro pezvinotar­isirwa panyaya yekutengwa nekutenges­wa kwezvinhu nemakamban­i ari pasi peHurumend­e zvose nemakanzur­u kuburikidz­a nekushandi­swa kwemagwaro pamatanho ose nenzira yakajeka.

Izvi zvakaitwa maringe nechikamu cheSection 6 (1) chemutemo wePPDPA Act.

Hurongwa uhu hwakakosha zvikuru kuti nyika inge ichizadzik­isa chiono chaPreside­nt Mnangagwa chekuti upfumi hwenyika hunge hwasimukir­a zvakanyany­a uye nekuti veruzhinji vange vave nemabasa epamusoro panozosvik­a gore ra2030.VaNyasha Chizu

 ??  ?? VaNyasha Chizu
VaNyasha Chizu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe