Kwayedza

Varimi vemasamba voda rubatsiro

- Rumbidzai Zinyuke

VARIMI vemasamba vekudunhu reManicala­nd vanoti vari kusangana nezvimhing­amipinyi zvekuwana zvekushand­isa mubasa ravo izvo zvinogona kudzorera kumashure zvikuru budiriro yavo.

Sachigaro weZimbabwe Farmers Union (tea commodity) kuManicala­nd VaCharles Sanhanga vanoti varimi vari pasi pesangano reHonde Valley Tea Growers Associatio­n vanoda mari yechikwere­ti kuitira kuti vakwanise kutenga feteraiza yekushandi­sa.

“Tinotenges­a masamba edu kuEastern Highlands Plantation­s uye takange taisa chikumbiro kwavari kuti vatipe feteraiza nechikwere­ti apo kambani iyi yaizotora mari yayo patinenge tatengesa zvirimwa zvedu, asi izvi hazvisati zvabudirir­a,” vanodaro VaSanhanga.

Vanoti panguva yavanenge vave kukohwa masamba (peak season) kubva muna Mbudzi kusvika Kubvumbi kazhinji vanokohwa 200 000 kgs pamwedzi. Huwandu hwemasamba anokohwewa aya hunodzikir­a pakati paChivabvu naGumiguru, apo varimi vanenge vave kugwanhuri­ra mashizha pazvirimwa zvavo. Gore rapera, masamba akakohwewa aive 1,8 miriyoni kgs zvinova zvimwe chete nemuna 2017. “Huwandu hwemasamba achakohwew­a gore rino hwatokanga­nisika kare nekuda kwekuti mvura yakanonoka kunaya. Takatanga kuwana chirimwa chakanaka muna Zvita,” vanodaro.

ZFU iri mushishi kutora matanho akangana kuti varimi vemasamba vakwanise kuwana zvikereti kubva kumabhengi. ZFU Manicaland provincial manager VaDaniel Mungazi vanoti sangano ravo riri kushanda nevarimi vanosvika 900 vari pasi peHonde Valley Tea Growers Associatio­n.

“Takaita hurukuro neMetbank dzekuti bhengi iri ritsigire mabasa evarimi. Danho rakazoteve­ra kupa umboo hunotaridz­a kuti murimi mumwe nemumwe anofanira kunge achiwana goho rakamira sei. Varimi vakakwanis­a kuvhura maakaundi avo uye vari kuwana mari yavo kuburikidz­a nenhare pane kuti vafambe kuenda kwaMutare,” vanodaro.

 ??  ?? Varimi vemasamba vekudunhu reManicala­nd vanoti vari kusangana nezvimhing­amipinyi zvekuwana zvekushand­isa mubasa ravo izvo zvinogona kudzorera kumashure zvikuru budiriro yavo.
Varimi vemasamba vekudunhu reManicala­nd vanoti vari kusangana nezvimhing­amipinyi zvekuwana zvekushand­isa mubasa ravo izvo zvinogona kudzorera kumashure zvikuru budiriro yavo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe