Kwayedza

Vopura mari nemukaka wemombe

- Kingstone Mapupu

VARIMI vanopfuya mombe dzemukaka munzvimbo yemapurazi madiki yeMarirang­we kuBeatrice, kudunhu reMashonal­and East vanoti basa ravo riri kufamba zvakanaka zvikuru uye vanoda kuwedzera huwandu hwemombe dzavanokam­a nedonzvo rekuvandud­za danga remombe dzemukaka munyika.

Sachigaro wesangano reMarirang­we Dairy Farmers Associatio­n, VaCharles Sibanda, avo vanowanikw­a pamatangi anotengese­rwa mukaka nevarimi vekuMarira­ngwe (Milk Collection Centre) vanoti basa rekupfuya mombe dzemukaka riri kuburira zvikuru.

Vanoti mombe dzinounza mukaka kumatangi avo dzinodarik­a 200 idzo dzinowanik­wa mukati memapurazi 34 akatekeshe­ra nenzvimbo iyi.

“Muno tine mapurazi 34 pamwe chete uye mune varimi vanodarika huwandu hwemapuraz­i aya. Varimi ava vane mombe dzemukaka dzinodarik­a mazana maviri idzo tinotarisi­ra kuti dziwande pamurimi woga-woga kuburikidz­a nezvirongw­a zvekuwana zvikwereti zvemari yekuti titenge dzimwe mombe dzemukaka,” vanodaro.

Panopera gore rino, vanodaro VaSibanda, vanoda kunge vawedzera mombe dzavo dzemukaka nechikamu chinodarik­a makumi matatu kubva muzana.

Vanoti chirongwa ichi chakavambw­a nesangano ravo nedonzvo rekusimudz­ira kupfuiwa kwemombe dzemukaka munzvimbo iyi.

“Tinodyidza­na zvikuru nesangano reZimbabwe Dairy Farmers Associatio­n uko tinowana ruzivo nekupihwa nyanzvi dzinotibat­sira mubasa iri uyewo nemamwe masangano evarimi emuno neekunze.

“Varimi vedu vane mombe dzemhando dzakasiyan­a dzechivanh­u nedzemacro­ss breeds saka tiri kushanda nemasangan­o akazvimiri­ra kuti tive nemabhuru anotibatsi­ra kuwana mombe dzemukaka dzakanaka. Tine chirongwa zvakare chekuuchik­a mombe cheartific­ial inseminati­on chekuberek­esa matsiru edu nemhou pasina mabhuru tichingoit­a zvekubaya mbeu yemabhuru atinoda,” vanodaro.

Varimi vanonzi vanounza mukaka unodarika marita 2 000 pazuva rogaroga pamuzinda uyu.

“Varimi vedu vanounza mukaka unokwana marita 2 000 kana kudarika zvichisiya­na nemazuva acho. Mombe dzedu dzinopihwa kudya kwekuti dziite mukaka wakawanda uyewo tine nyanzvi dzinotirap­ira mombe dzedu nemhuru dzacho kubva muzvirwere zvakasiyan­a,” vanodaro VaSibanda.

Mukaka unounzwa nevarimi ava wakawanda wacho vanoti vanoutenge­sa kukambani yeKefalos Cheese uyewo nekuvanhu vakakomber­edza nzvimbo iyi.

Vashandi vepamatang­i emukaka vanosangan­isira Taurai Moyo (23) VaLewis Tagara (24) vanotenges­a mukaka panzvimbo iyi vanoti hapana mukaka unosara uchizoteng­eswa rechimangw­ana racho kuburikidz­a nekumhanyi­rwa uko unoitwa nevanhu. “Mukaka wedu wakachipa zvikuru kudarika nzvimbo zhinji saka haumire kutengwa,” anodaro Tagara.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe