Kwayedza

Tichadzosa mafaro: Zifa Bhora mutambo

- Abel Ndooka

MUTUNGAMIR­I weZimbabwe Football Associatio­n Felton Kamambo anoti shanduko huru iri kuuya munhabvu yemuno uye bhodhi rake riri kuedza neparinogo­na kuti zviitike.

Kamambo akasarudzw­a muna Zvita gore rapera kuve mutungamir­i mutsva weZifa apo akakunda Phillip Chiyangwa.

Kuuya kwaKamambo kwakafadza vazhinji vanotsigir­a nhabvu avo vaiti nhabvu yakange yave kuzosimuki­ra.

Asi pasina nguva mashoko akambotend­erera ekuti mubhodhi reZifa makange mave nekusawiri­rana zvichiteve­ra nyaya yemutevedz­eri waKamambo, Gift Banda, uyo akadzinga Lloyd Mutasa naRahman Gumbo basa sevatevedz­eri vemurairid­zi wevemaWarr­iors - Sunday Chidzambwa - achivatsiv­a naTonderai Ndiraya naBongani Mafu asina kupihwa mvumo nebhodhi rese.

Banda akazorangw­a nekuda kwenyaya iyi uye Kamambo anoti bhodhi rake riri kuwirirana zvikuru.

“Pese panoita zvinonetsa mutungamir­i unofanirwa kurakidza hutungamir­i hwako nekuyanani­sa kwete kuparadza.

“Isu nyaya iyi tinoiziva, tinoda chaizvo kuramba tichishand­a naBanda uye achiri mubhodhi redu. Nyaya iyi ichiri kuongororw­a, ndizvo zvandinokw­anisa kutaura chete panguva ino,” anodaro Kamambo.

Kamambo anoti bhodhi rake riri kushanda kuti ridzose mufaro munhabvu kuti vatsigiri vemutambo uyu vaende kunoona mitambo vakasunung­uka uye vachifara.

“Chishuvo chedu kuti tidzosere nhabvu payakakodz­era chete uye tidzose nhabvu yekare iyo yaifadza vatsigiri, kuitira pavanouya kunhandare vagouye nemufaro kuzoona zvikwata zvavo zvichitamb­a,” anodaro.

Achitaura nezvemaWar­riors - ayo ari kungoda mutambo mumwe chete kuti ahwinhe tikiti rekuenda kuCairo, kuEgypt kumutambo we2019 Africa Cup of Nations - Kamambo anoti akaudza varairidzi kuti vatange gadziriro dzemutambo wekupedzis­ira uyo uchaona chikwata chenyika ichi chichisang­ana neCongo Brazzavill­e.

Anoti sangano ravo harisi kuda kusangana nezvaiitik­a kare kuti vamwe vatambi vainonoka kuuya kana vashevedzw­a kuzotambir­a nyika.

“Isu chedu kuita zvinhu nemazvo, takaudza varairidzi vedu kuti toda kuita zvinhu nemazvo uye takarongek­a. Hatidi kuita zvinhu tichimhany­a, kuti zuva rekupedzis­ira ndipo totanga kumhanya kutsvaga matiki endege evatambi. Handizvo, tiri kuda kurongeka,” anodaro.

Anoti mutambo wemaWarrio­rs neCongo Brazzavill­e hausi kuzotenges­wa matikiti musi uyu asi vanoda kuenda kunoona vanofanirw­a kugara vatenga matiki pachiri nenguva.

“Tave kutevedzer­a zviri kuitwa pasi rose kune dzimwe nyika, hatichaten­gesi matiki ekupinda munhandare musi wemutambo uyu. Asi, vanhu vanogara vatenga matikiti vozongouya kunhandare voona nhabvu yavo vakasunung­uka,” anodaro.

Zvakadai, vazhinji vangade kumboziva kuti Kamambo - uyo anonzi akambotamb­a nhabvu - akatambira zvikwata zvipi.

Kamambo anoti akatanga kutamba nhabvu aine makore masere ekuberekwa kuchikwata chevechidi­ki cheMhangur­a ndokukurir­ako kusvikira azotambira chevakuru.

Anoti akatambira Mhangura kwemakore akazobva ndokuenda kwaMurehwa uko akasvika achivamba chikwata cheMurehwa FC ndokubva achienda kuSanyati uko akanovamba zvakare Sanyati Football Club.

Kamambo anoti akazobva kuchikwata ichi achienda kuKadoma uko akanovamba Kadoma Grain Tigers.

Kadoma Grain Tigers ndicho chakave chikwata chake chekupedzi­sira kutambira ndokusende­ka shangu dzake.

Achibva muKadoma, Kamambo akaenda kuKwekwe uko akanobatsi­ra kuvamba chikwata cheKwekwe Silo United icho akafamba nacho kwemakore kusvika kambani yaaishandi­ra yeGMB yakati haichakwan­isa kuramba ichikotsve­ra nhabvu iye ndokubva atora chikwata ichi ndokuchitu­ngamira.

“Mhangura ndiko kwandakaku­rira ndichitamb­ira Mhangura United, pandakabva kuMhangura kwese kwandaiend­a ndaisvika ndichivamb­a chikwata cha- VAVERENGI, tinoda kuti mufembere, mutiudze kuti mutambo uripo pakati peManchest­er City neArsenal kuEtihad Stadium nemusi weSvondo uchapera sei.

Tumirai mhinduro dzenyu panhamba dzinoti 0714 200 007.

Hedzinoi mhinduro dzakatumir­wa nevamwe vaverengi pamusoro pemutambo waiveko pakati peManchest­er United neArsenal kuEmirates Stadium nemusi weChishanu chadarika.

Mumutambo uyu, Manchester United yakahwinha 3 -1.

Nomatter Isusu Munuwa, paChi-town - Arsenal 2 Manchester United 2.

Baba vaVita, paChuru Farm - Arsenal 1 Man U 2.

Ndini Patrick Mupindu Njondapowe­r, paRuwa - Arsenal 0 Manchester United 0.

Mark, Kambuzuma - Arsenal 2 Manchester United 1.

Buju, Chitamba Farm paGan’a - Arsenal 1 Man U 3.

Ndini Mjokeri - Manchester United 2 Arsenal 1.

Ndinonzi Last Mutsinzi Man cho ndini nekuti ndaisvika kusina.

“Murehwa, Sanyati uye neKadoma kuti ndiende kunzvimbo idzi ndaienda nebasa ndasvika ndobva ndasvikota­ngaisa chikwata chenhabvu nekuti kwainge kusina, apa ini ndaive nerudo nemutambo,” anodaro.

Gore rino, Kamambo anoti vanoda kumutsirid­za U 2 Arsenal 1.

Linos Mhina, Kambuzuma - Arsenal 1 Manchester United 2.

Elliot Mapingire, paDZ Arsenal 1 Manchester United 2.

Lawrence Tom, Mainway, Waterfalls - Manchester United 2 Arsenal 1.

NdiSimba Chabvira, kuHopley - Arsenal inohwinha.

0782 566 045 - Arsenal 2 Man United 1.

NdiNelson Kubvedzi, paWhite House - Arsenal 2 Mau U 1.

Seh Tinah, paMutex - Arsenal 1 Manchester United 3.

Evans from Rusape - Arsenal 1 Manchester United 2.

Zita Webster Mutsveru, 0776 422 291 - Arsenal 1 Manchester United 2.

Mordkine Musasiwa - Arsenal 2 Manchester United 1.

Christophe­r Mbarure, paHarriana, Mvurwi - Mau U 2 Arsenal 0.

Advocate Chatikobo in Machipsa, Highfield - Mau U 3 Arsenal 1.

Linky, Nyazura - Man Unt 3 Arsenal 2. chirongwa chekusimud­zira vechidiki munhabvu cheJunior Policy.

“Nhabvu tinofanirw­a kutanga nevechidik­i saka tiri kusimudzir­a maJunior League, hunge tikakwanis­a kuwana vanokwanis­a kudira mari asi tiri kushanda chaizvo kuti zviite uye ndicho chishuviro chedu,” anodaro Kamambo.

 ??  ?? Felton Kamambo
Felton Kamambo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe