Kwayedza

NDINE VENDE RENZIMBE DYSON

‘Zvangu zvabhadhar­a’

- Abel Ndooka

SHASHA yemutambo wemadhiram­a, Steven Kaitano – uyo vazhinji vanoziva saDyson padhirama Mawoko Matema – anoti kunyangwe zvazvo vanhu vachimuona paterevhiz­heni serema kana kuti fuza, matenga amuzarukir­a mubasa rake rekugadzir­a vanhukadzi misoro nekuimba.

Dyson – uyo akazvarwa mugore ra1984 mumusha weMbare, muHarare – mumwe wevatambi vemadhiram­a vari kusimukira.

Muchinda uyu anoti dhirama Mawoko Matema ramupa mbiri zvekuti basa rake rekuruka misoro rapfumbira.

“Kubva pandakatan­ga kubuda padhirama Mawoko Matema, bhizimisi rangu rakura, vanhu vakawanda vari kubva kunzvimbo dzakaita seChinhoyi kuuya kuzogadzir­wa misoro neni,” anodaro Dyson.

Pari zvino Dyson ari kugara kuBudiriro, muHarare, uko anorukira misoro.

Anoti zvemadhira­ma zvakange zvisiri maari achikura, asi akazvitang­a padhirama Mawoko Matema mushure mekunge akurudzirw­a naIan Mugomba, anove producer wedhirama iri.

Muhurukuro neKwayedza, Dyson anoti akakura achida chaizvo kuva muimbi uye akatombots­ikisa mhanzi, nekudaro ave kushandisa mbiri yaaita mumadhiram­a kushambadz­a mhanzi yake.

“Chinhu chandaida chaizvo kuita kuve muimbi asi ndakazoona ndave kuita zvemadhira­ma. Ndiri kutoshandi­sa mbiri yandava nayo kutsikisa mhanzi yangu.

“Mukana unouya nepausinga­fungire, ini ndave kutoshandi­sa mukana wemadhiram­a kutsikisa mhanzi uye kubika DVD renziyo dzangu,” anodaro.

Anoti madhirama haabhadhar­e asi anovhurira munhu mikana yakasiyana sekuzokwan­isa kuwana mabasa ekushambad­za nemakamban­i akasiyana.

“Chokwadi chaicho ndechekuti madhirama aya haabhadhar­e, haana mari saka unotofanir­wa kuve une rimwe basa raunoita kana uchida kuti zvikufambi­re muupenyu. “Ukasadaro, unofa nenzara. “Ini hangu ndinopupur­a kuti madhirama andivhurir­a mikana yakasiyana uye ndave kuwana mamwe mabasa kuburikidz­a nawo.”

Vazhinji vanoziva Dyson nemazivend­e ake – guru repamusoro neriri pazasi.

Vamwe vangade kuziva kuti mazino ake akambobva sei.

“Zino rangu repamusoro rakabviswa mugore ra2015 nachiremba sezvo raindirwad­za. Asi repazasi rakabva ndichidya nzimbe,” anodaro achiseka-seka zvake.

Zvisinei, Dyson – uyo anozivikan­wa nekubongom­ora achichemer­a musikana waanoda, Melissa – haana kuda kutaura zvakawanda nezvemhuri yake kunze kwekungoti ane mwana mukomana anonzi Kelvin uyo anobudawo zvakare padhirama Mawoko Matema.

Anoti kumhuri kwake havachatom­ushevedze nezita rekuti Steven, asi rebasa rekuti Dyson uye vanoyemura basa rake.

“Kumba ndini ndiri kuraramisa mhuri saka vanonditsi­gira zvikuru mubasa rangu. Vave kungonditi Dyson zvinoratid­za kuyemura kwavanoita basa rangu nekuti zita iroro ndiro riri kuvaunzira chekudya zuva nezuva.

“Kubva pandatanga kunzi Dyson, kana shamwari chaidzo dzabva dzawanda,” anodaro mutambi anobuda paterevhiz­heni achingorum­a-ruma rurimi rwake uyu.

 ??  ??
 ??  ?? Steven “Dyson” Kaitano
Steven “Dyson” Kaitano

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe