Kwayedza

Voita mari nedikita raTuku

- Abel Ndooka

ZVICHITEVE­RA kushaika kwegamba renyika Dr Oliver “Tuku” Mtukudzi svondo rapera, vanhu “vanopisa” (piracy) nekutenges­a mimhanzi pamusika wemukoto vave kukohwa pavasina kurima sezvo vari kuita mari nenziyo dzemushaka­bvu uyu.

Izvi hazvisi kuitika muno chete, asi nekune dzimwe nyika dzakaita seSouth Africa kunzvimbo dzinosanga­nisira Durban, Cape Town, Polokwane neBloemfon­tein.

Svondo rino, Kwayedza yakafamba muguta reHarare ikazvioner­a mimhanzi yaTuku ichitenges­wa pamukoto mumugwagwa yakaita saJulius Nyerere.

Madambaref­u aDr Mtukudzi anosangani­sira Paivepo, Chikonzi naDande ndiwo anonzi ari kunyanya kutengwa.

Tongai Gora (29) anoti bhizimisi riri kufamba chaizvo nekuda kwekutengw­a kuri kuitwa mimhanzi yaTuku.

“Taita mari naTuku kani, mhanzi yake iri kufamba zvikuru. Mota yese iri kudarika pano iri kungobvunz­a nezvemimha­nzi yake. Asi yevamwewo vanosangan­isira Jah Prayzah, Enzo Ishall naKiller T iri kufamba zvakare,” anodaro.

Achibvunzw­a kuti anoziva here kuti imhosva kutengesa mimhanzi iyi pamukoto, Gora anoti, “Hongu, ndinozvizi­va kuti imhosva, asi zivai kuti vacho veAnti-piracy ndivo vanotouya vachitipa maCD kuti titengese. Saka isu tingori pabasa.”

Mumwe anotengesa mimhanzi mumigwagwa yemuHarare, Wellington Chinhambwe (22), anoti anorwadziw­a nekufa kwaTuku saka kutengesa kwaari kuita nziyo dzake kusimudzir­a zita rake kuti rirambe rakapfumbi­ra.

“Ini hangu ndinozvizi­va kuti mhanzi yatiri kutengesa ndeyepaire­si, asi tingaita sei kana iriyo iri kudiwa nevanhu?

“Ndaifarira mimhanzi yaTuku zvekuti ndakarwadz­iwa chose svondo radarika paakatisiy­a,” anodaro Chinhambwe.

Achitaura svondo radarika kuNational Sports Stadium, uko kwaiva nemutambo wakaitwa kuonekana naDr Mtukudzi, muimbi Alick Macheso anoti chirwere chepairesi chinofanir­wa kupedzwa nekuti chiri kurozva vaimbi.

“Denda ratasarirw­a naro iro rinofanirw­a kugadziris­wa ipairesi. Kana rikagadzir­iswa, (vaimbi) hatizofe tiri marombe,” anodaro Macheso.

Mumwe anova nhengo yeAnti-piracy Organisati­on of Zimbabwe achishanda kuGramma Records – uyo asina kuda kuburitswa zita rake achiti anotyira upenyu hwake – anoti dambudziko repairesi rinofanirw­a kupedzwa nemapurisa kuburikidz­a nekusunga vanhu vanotenges­a mimhanzi pamusika wemukoto.

“Ini ndaita mutete panyaya iyi, imhosva pasi pemutemo kutengesa mhanzi yepairesi asi vanotenges­a vari kungos vanoda.

“Mapurisa vanofanirw­a kwete kuvasiya vachiita zva vikawa kuti ose maCD epai kuMbare, asi kuti ndiende kufirako.

“Kare taiziva kumapurisa ti-piracy asi rakazoende­pi? ivo mapurisa vapindure mun

Mutauri wemapurisa eZi Police munyika, Senior Assi ner Charity Charamba, van sunga vose vanenge vawani mimhanzi pamusika wemu

Vanoti imhosva huru kut yepairesi uye vachaongor­ora dzaDr Mtukudzi dzave ku pamutemo.

“Isu semapurisa, tinosung sva iyi. Iyi iyambiro kuti siya bare uko tinogara tichinosu mimhanzi iyi uye isu kum reLicense Inspectora­te iro ri dzerudzi urwu. Iri nhau ye mimhanzi yaDr Mtukudzi vanodaro.

Sangano renhau reCAJ N migwagwa mikuru yekuSou nenziyo dzaTuku idzo dzaka mekushaika kwake. Dr Mt nemusi weChitatu svondo mekurwara nedenda reshu twa gamba renyika uyu ang bira muZimbabwe nepasi ro

siiwa vachiita zva-

a kusunga vanhu avanoda. Zvinoziire­si anogadzirw­a ikoko ndinogona

a kuine desk reAnSaka zvinoda kuti nyaya iyi,” anodaro. mbabwe Republic stant Commissioo­ti mapurisa anoikwa vachitenge­sa ukoto. tengesa mimhanzi nyaya yekuti nziyo utengeswa zvisiri

ga vanopara mhoanai nazvo. KuMunga vanotenges­a apurisa tine bazi noongorora nyaya ekupairetw­a kwei, tichaiongo­rora,”

News Africa rinoti th Africa yakazara apairetwa mushure tukudzi akashaya o rapera mushure ga. Muimbi akaia aine mukurumose.

 ??  ?? Mushakabvu Dr Mtukudzi
Mushakabvu Dr Mtukudzi
 ??  ?? Senior Assistant Commission­er Charamba
Senior Assistant Commission­er Charamba

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe