‘Ndakafa ndikamuka’
◆ guko kudya mugomo reMbudzirume riri kwakare kuMhondoro apo masoja emabhunu akasara achipisa mumba mandaiva ndirere mugore ra1976. Imba yakatsva zvekudhirika denga ini ndiri kasvava ndirimo. Asi vanhu vakandiwana ndirimo ndisina kutsva, ndiwo mashura ekutanga iwayo,” anodaro.
Shadreck anotizve ava nemakore 12 okuberekwa, akazotanga kunamata ari kuMhondoro ikoko mumachechi akasiyana apo anoti aidzingwa nevakuru vemachechi nekuda kwezviporofita nekubatsira vanhu kwaaiita.
Anotiwo akadzidza kusvika Fomu 4 uye akaita kosi yekuveza.
Paaive nemakore 12 okuberekwa, anodaro Shadreck, akaona chiratidzo chemuraravungu (rainbow) wakabva pasi uchinotunga mumakore.
“Ndakabvunza ndikanzi zvaireva kuti altar yaMwari yaidzika muZimbabwe kuFeatherstone uko ndakanzi ndiende ndinoona muti wakaoma wakabatwa nengirozi ikoko izvo ndakaita.”
Anoti akaenda akanoona muti weMuriranyenze wakaoma apo akaudzwa nezwi kuti nzvimbo iyi yakanga yava kuyera kubva musi uyu sezvo pakanga padzikira mweya waMwari.
“Zvadaro, ndakanzi nditore bazi remuti uyu kuti ndiite tsvimbo izvo ndakaita, ndipo pakauya izwi richiti richashandisa mutumbi wangu mushure mekumbotanga ndafa mweya uri mandiri wobuda, kouya mutsva waMwari nyadenga, uyo ndiri kushandisa nhasi uno,” anodaro.
Shadreck anoti mugore ra2012, akazonzi atsanye kwemazuva makumi maviri nehusiku makumi maviri izvo akaita achiti akazogashidzwa imwe tsvimbo yehushe nemutumwa waMwari ari murenje.
“Pandaitsanya apa, ndakazofa pazuva rechi19 ndokuzomuka zuva rechi21, muviri wangu usina kuwora apo ndakasandurwa kuva mwari. Nazvino ndiri kutonga pasi rose apo donzvo rangu kuti vanhu vanamate.”
Mushure mechiitiko ichi, anoti akazonzi atsanye zvakare kwemazuva 40 nehusiku 40 izvo akaita aine vamwe vechechi yake mugore ra2016.
“Pane zvishamiso zvikuru zviri kuitwa naMwari vanhu vachiporeswa zvirwere nekubviswa madhimoni nematambudziko.
‘‘Mamwe machechi ose achauya kwandiri vova pasi pangu kuti chinamato chisimbe,” anodaro.
Shadreck anoti mudzimai wake anonzi Alice Chara, uyo wavanodaidza kuti “mai vatsvene” uye vane vana vana vose.
“Tinoita makungano kuChivhu kunzvimbo inoyera yakaburukira Mwari uko takaita crusade yakaunganidza vanhu vaidarika 5 000,” anodaro.
Apostle Tichaona Kwedini (38) — uyo anofamba naShedreck — anoti hapana chaanopokana nacho panyaya dzekuti murume uyu ndiye mwari.
“Inguva chete, vanhu
vachazvionera kuti muZimbabwe makauya munhu mukuru.
‘‘Iropafadzo huru muno
nemuAfrica.
‘‘Ndimwari wepasi rose avo vakaburukira muZimbabwe,” anodaro.