Kwayedza

‘Ndakafa ndikamuka’

-

◆ guko kudya mugomo reMbudziru­me riri kwakare kuMhondoro apo masoja emabhunu akasara achipisa mumba mandaiva ndirere mugore ra1976. Imba yakatsva zvekudhiri­ka denga ini ndiri kasvava ndirimo. Asi vanhu vakandiwan­a ndirimo ndisina kutsva, ndiwo mashura ekutanga iwayo,” anodaro.

Shadreck anotizve ava nemakore 12 okuberekwa, akazotanga kunamata ari kuMhondoro ikoko mumachechi akasiyana apo anoti aidzingwa nevakuru vemachechi nekuda kwezviporo­fita nekubatsir­a vanhu kwaaiita.

Anotiwo akadzidza kusvika Fomu 4 uye akaita kosi yekuveza.

Paaive nemakore 12 okuberekwa, anodaro Shadreck, akaona chiratidzo chemurarav­ungu (rainbow) wakabva pasi uchinotung­a mumakore.

“Ndakabvunz­a ndikanzi zvaireva kuti altar yaMwari yaidzika muZimbabwe kuFeathers­tone uko ndakanzi ndiende ndinoona muti wakaoma wakabatwa nengirozi ikoko izvo ndakaita.”

Anoti akaenda akanoona muti weMurirany­enze wakaoma apo akaudzwa nezwi kuti nzvimbo iyi yakanga yava kuyera kubva musi uyu sezvo pakanga padzikira mweya waMwari.

“Zvadaro, ndakanzi nditore bazi remuti uyu kuti ndiite tsvimbo izvo ndakaita, ndipo pakauya izwi richiti richashand­isa mutumbi wangu mushure mekumbotan­ga ndafa mweya uri mandiri wobuda, kouya mutsva waMwari nyadenga, uyo ndiri kushandisa nhasi uno,” anodaro.

Shadreck anoti mugore ra2012, akazonzi atsanye kwemazuva makumi maviri nehusiku makumi maviri izvo akaita achiti akazogashi­dzwa imwe tsvimbo yehushe nemutumwa waMwari ari murenje.

“Pandaitsan­ya apa, ndakazofa pazuva rechi19 ndokuzomuk­a zuva rechi21, muviri wangu usina kuwora apo ndakasandu­rwa kuva mwari. Nazvino ndiri kutonga pasi rose apo donzvo rangu kuti vanhu vanamate.”

Mushure mechiitiko ichi, anoti akazonzi atsanye zvakare kwemazuva 40 nehusiku 40 izvo akaita aine vamwe vechechi yake mugore ra2016.

“Pane zvishamiso zvikuru zviri kuitwa naMwari vanhu vachipores­wa zvirwere nekubviswa madhimoni nematambud­ziko.

‘‘Mamwe machechi ose achauya kwandiri vova pasi pangu kuti chinamato chisimbe,” anodaro.

Shadreck anoti mudzimai wake anonzi Alice Chara, uyo wavanodaid­za kuti “mai vatsvene” uye vane vana vana vose.

“Tinoita makungano kuChivhu kunzvimbo inoyera yakaburuki­ra Mwari uko takaita crusade yakaungani­dza vanhu vaidarika 5 000,” anodaro.

Apostle Tichaona Kwedini (38) — uyo anofamba naShedreck — anoti hapana chaanopoka­na nacho panyaya dzekuti murume uyu ndiye mwari.

“Inguva chete, vanhu

vachazvion­era kuti muZimbabwe makauya munhu mukuru.

‘‘Iropafadzo huru muno

nemuAfrica.

‘‘Ndimwari wepasi rose avo vakaburuki­ra muZimbabwe,” anodaro.

 ??  ?? Alice Chara
Alice Chara
 ??  ?? Apostle Tichaona Kwedini - Mifananidz­o naEdward Zvemisha
Apostle Tichaona Kwedini - Mifananidz­o naEdward Zvemisha

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe