Kwayedza

‘MUNGORI BABA VEZITA’

70pc yevana handi venyu: DNA

- Kingstone Mapupu

ONGORORO ye“deoxyribon­ucleic acid” (DNA) iyo yakaitwa neimwe kambani yemuno yakazvimir­ira pamusoro pekuti muridzi wemwana ndiani inoratidza kuti chikamu chevarume chinosvika makumi manomwe kubva muzana – 70 percent – veavo vavakaita ongororo vari kuchengete­swa vana vasiri vavo.

Goblal DNA Zimbabwe inoita ongororo dzakasiyan­a dzinosanga­nisira varume vanoda kuziva chokwadi chevana vanenge vachinzi ndevavo apo baba, amai nemwana vanogona kutorwa ropa roongororw­a.

VaTinashe Mugabe – avo vanova principal consultant kuGoblal DNA Zimbabwe – vanoti ongororo yavakaita mugore ra2018 inoratidza kuti chikamu che70 percent chevarume vakaenda kukambani yavo nevana nemadzimai vachida kuitwa ongororo yakaburits­a kuti varume ava vari kuchengesw­a vana vasiri vavo.

“Sebasa ratagara tichiita rekuyanani­sa vanhu panyaya dzekuda kuziva kuti vana ndevani mushure mekunge varume vasingagut­sikane nevana vanenge vachinzi ndevavo – vangava vakarooran­a kana kuti vakangoiti­sana vana – ongororo yatakaita mugore ra2018 yakaburits­a kuti varume vanosvika chikamu che70 percent vanochenge­teswa vana vasiri vavo,” vanodaro VaMugabe.

Vanoti ongororo yavakaitaz­ve gore rapera pamusoro penyaya imwe cheye iyi inoratidza zvekare kuti chikamu chevarume vanosvika 63 percent vevakaongo­rorwa vari kuchengete­swa vana vasiri vavo.

“Kureva kuti mugore ra2018 chikamu chevarume vaichenget­a vana vavo chaivo i30 percent, kuchizotiw­o mugore ra2019 varume vakakwanis­a kuwana vana vari vavo mushure meongororo yatakaita i37% bedzi.

“Ongororo yatinoita inounza kugadzikan­a kwepfungwa dzevanhu mudzimba dzevakaroo­rana uyewo nevanodana­na nekuti vanhu vanenge vave kuziva chokwadi,” vanodaro.

VaMugabe vanoti vanoshandi­sa michina yemhando yepamusoro inosvika 21 pakuita ongororo idzi, nekudaro hapana kupotseka kwezvinobu­da.

“Zvinobuda muongororo yedu zvinofadza nekusuwisa, asi tine nyanzvi dzinogara pasi nemativi ose kudzikamis­a pfungwa dzavo kuti vatambire zvabuda upenyu hwavo hworamba huchiendek­a. Izvi zvinoitawo kuti munhu azive dzinza rake chairo zvichibata­nidza vanhu kunyangwe kuine vaikuramba,” vanodaro. VaMugabe vanoendere­ra mberi vachiti, “Kunyangwe pamuviri chaipo, panoongoro­rwa zvoonekwa muridzi wapo. Tinokwanis­a kushandisa matooth brush mukuongoro­ra, zvatinosha­ndisa kubvisa mafunzi munzeve, kutora ropa, kushandisa nzara nezvimwe.

“Mumakore maviri aya anoti 2018 na2019, zvinoratid­za kuti varume vazhinji vakauya kuti vazoongoro­rwa vakawanikw­a vana vasiri vavo.”

Vanoti mugore ra2019 mumwedzi waKubvumbi, Nyamavhuvh­u naZvita ndipo pavakaongo­rora vanhu vakawandis­a nenyaya dzekuda kuziva baba vemwana zvichiteve­ra kuti vana vanenge vari kumazororo zvichiita kuti vanotorwa ropa pamwe chete nevabereki vavo.

“Nyaya idzi dziri kunyanya kukonzerwa nevanhu vakarooran­a, vekuti mumwe anogara kure uyewo nekunyenge­ra mukati mevanodana­na nekudaro vamwe vanoguma vave kuita kuti vaongororw­e nekuti vanenge vave kubhadhari­swa mendenenzi.”

VaMugabe vanoti vamwe vanonoongo­rorwa zvichiteve­ra nyaya dzenhaka apo mumwe anogona kunzi haazi wemhuri kana dzinza raanenge achifunga kuti nderake.

Kunze kwekuita ongororo yevanhu, maDNA anokwanisa kuitwa kuzvipfuyo semombe kuti zvizivikan­we muridzi wazvo.

 ??  ?? VATINASHE Mugabe
VATINASHE Mugabe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe