Kwayedza

Musiyano wekutyaira nekutungam­ira

- naWedzerai Nhemachena

VAZHINJI vedu tinoziva kuti kana munhu achitungam­irira mombe pakurima kana pakusakura (pakukaravh­eta), tinoona munhu akabata tambo ari mberi, kana kufamba zvake ari mberi, mombe dzichimute­vera paanofamba napo. Panotungam­irirwa mombe zvakadai, mukana wekumanza sora kana kusiya mabhan’a mushoma zvikuru.

Pakadai, mombe hadzityore chibage, kana dai chati kureyi. Mombe dzinenge dzine kuwirirana kukuru neanodzitu­ngamirira.

Mombe dzinopinda mumuforo, dzichiteve­ra ari mberi. Mutungamir­iri wemombe pakusakura munda anobvisa zvose zvingatadz­ise mombe kufamba zvakanaka. Anotandani­sa zvose zvingavhun­dutse mombe kuti dzifambe zvakanaka. Ndinoda kuti titarisezv­e musiyano wekutungam­irira mombe nekutyaira.

Kana mombe dzichityai­rwa pakurima, tinoona mutyairi akabata chamboko achidzitin­ha, chamboko chichisimu­dzwa nekurovesa mombe kuti dzipinde mumuforo.

Nedzimwe nguva mombe dzinotiza negejo kana nekaravhet­a. Dzinotyora chibage kana kusiya dzimwe nzvimbo mumunda dzisina kurimika zvakanaka (mabhan’a). Ndipo mutyairi anosimudza izwi nehasha.

Anosimudzi­ra izwi kumombe nemubati wegejo kana karavheta. Anogona kushandisa chamboko kurova mombe pamwe nemubati wegejo. Kana zvadai, mubati wegejo anogona kuchema kana kuramwa basa racho.

Mombe dzinogona kutiza, kuita murambamhu­ru chaiwo, kana kubhiridha. Kana dzikabhiri­dha, dzinogona kudzipwa kana kutofa dziri pajoki ndokunge dzikanonok­erwa kubatsirwa.

Kana zvadai, chinangwa chemutyair­i chekuti awane goho rakanaka chinopinda musango.

Ndizvo zvimwe chetewo nekuva mukuru pamusha kana pakambani. Anoratidza gwara nekuita zvaanoda kuti vari shure kwake vaite. Anovabvisi­ra masanzu mberi kwavo, kuti vafambe pakachena uye pasingavak­uvadze.

Kana zvadai, vari shure vanobata zvinangwa zvavo pamwe nezvevakur­u vavo vari mberi. Asi pakaita chamboko chinouya nenzira dzakasiyan­a-siyana, vamwe vanotiza mudzimba kana mumakamban­i. Nokudaro vakuru vari mberi ngatingwar­ire apa tisavhundu­tse vanhu vedu.

CHENJEDZO:

Chamboko chinorwadz­a munhu wose, chinotadzi­sa vanhu kufunga zvakanaka pamusana pokutya kurohwa, chinoita kuti vanhu vatize mabasa avanoita nokuti mutyairi anogona kuvarova netyava. Mukudai, nzara inopinda mumusha, mukambani kana munyika. Dare rino rinongokur­udzira kuti ngatifambe­i pamwe chete tichiwadza­na, tichiratid­zana gwara rakanaka. Tyava chinotyisa, uye vanhu havagadzik­ane pose panenge paine tyava, nokuti pane tyava chemutyair­i hapana rudo kana rugare. Musha une mutungamir­iri une rugare nerudo.

Wedzerai Nhemachena ndigodobor­i wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communicat­ion Studies). Anobata nemauniver­sity akawanda muZimbabwe.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe