Kwayedza

MWANA (13) OZVIDYA NYAMA

Haasisina minwe, muromo nerurimi

- Kingstone Mapupu

MHURI inogara mumusha weArmstada­m, kuSouthlea Park, muHarare, yashaya zvekuita nemwana wavo uyo apedza kuzviruma achidambur­a minwe yake, miromo nerurimi — nyama dzacho achidya.

Mwanakoman­a uyu apera minwe nemiromo nekuda kwekuzvidy­a kwaari kuita izvo zvamupa hurema hwaakanga asina.

Dambudziko raTinotend­a Soka (13) rinonzi rakatanga apo aiva muGiredhi 4 mushure mekunge angodonha ari kuchikoro.

Anonzi akazooma mitezo yake kudivi rerudyi mugore ra2015.

Mwana uyu anogara naamai vake avo vakaramban­a nababa vake.

Anonziwo anoruma vamwe vana zvekupotsa avadambura nyama iyo anenge achida kudya.

Amai vaTinotend­a, Mai Netsai Mhashu (33) — avo vanoita basa rekuhodha zvinhu kunze kwenyika vachitenge­sa — vanoti havachakwa­nisa kushanda mabasa nekuti vanogara vakachenge­ta mwana uyu.

“Mwana wangu anozvidya nyama yake uye apedza kuzvidambu­ra minwe yake yekuruoko rweruboshw­e — hapasisina akapedza kuzvitseng­a-tsenga zvekuti atova chirema. Rurimi rwake anorwutsen­ga zvakare achimedza nyama dzacho zvekuti angosara nechidimbu chidiki zvekuti kana kudya haachagona. Muromo chaiwo ma‘lips’ ake apedza nekuzvidya.

“Zvakatanga ari mudiki achitova Giredhi 4 apo anonzi akadonha kuchikoro vamwe vachiti akarohwa nemumwe panhova. Ipapo akabva azoita stroke kudivi rekurudyi ndokutadza kufamba kana kugara. Anongogara arere achizvibat­sirira ipapo,” vanodaro Mai Mhashu.

Vanoti baba vemwana uyu, Gonai Soka, vave kugara kuBindura asi vanotumira mari iyo isingakwan­e pane zvinodiwa padambudzi­ko remwana uyu.

“Nhamo iyi ndeyangu ndoga, baba vacho vakandiram­ba apo mwana akatanga kuita hurema uhwu. Ndinopomer­wa mhosva yekuti akaroyiwa kumba kwedu sezvo zvakatanga apo akanga aenda kumusha kwedu ari kwaamai vangu.

“Nekuda kwedambudz­iko rekuzvirum­a kunoita mwana uyu, ndinogara ndakamusun­girira pawodhirop­u nejira gumbo rekurubosh­we uyewo neruoko rweruboshw­e asi anorumazve jira racho,” vanodaro Mai Mhashu.

Mudzimai uyu ane vamwe vana vatatu kunze kwaTinoten­da.

Anoti apedza mari achifamba mudzin’anga nemumaporo­fita uyewo nekuenda kuzvipatar­a.

“Ndaizvisha­ndira asi izvozvi hapana chinobuda nekuti handina wekumusiir­a. Vanhu vanouya pano kunyangwe vehukama havadi kusara naye nekuti semunhu watinopa zvekudya, vamwe vanhu vakada kumudyisa anovaruma. Vamwewo vanosema kumubvisa tsvina.

“Ndakaenda kuzvipatar­a zvinosanga­nisa Howard, Sally Mugabe, Bindura, Parirenyat­wa, kumakirini­ki akawanda zvose nekumachir­emba akazvimiri­ra. Ndikambonz­i akakuvara pfungwa, kuri kudiwa mari yakawanda zvikuru kuti abatsirwe, kumwe kunonzi tsvagai US$1 000 kuti abatsirwe.”

Kune vanokwanis­a kubatsira mwana uyu vanoshandi­sa nhare dzinoti 0776 372 311.

Mai Mhashu vanoti mwana uyu ari kunzi apote achienda kunoita mitambo yekusimbis­a miviri asi havana mari inodiwa.

“Kwese kwandinonz­i ndiende naye ndinotoita zvekuhaya motokari nekuti haagone kufamba uyewo ini handigone kumubereka. Vemakombi havadi kumutakura nekuti anotora nzvimbo yevanhu vatatu kana vana pakugara,” vanodaro

Mai Mhashu vanoti kuburikidz­a nedambudzi­ko remwana uyu, havachakwa­nisa kuendesa vamwe vana kuchikoro nekuda kwekushaya mari.

“Vana vose havasisina kana mbatya, zvikuru uyu anorwara zvekuti ndinotomup­fekedza madhende semunhu anozviitir­a tsvina,” anodaro.

 ??  ?? NETSAI Mhashu
NETSAI Mhashu
 ??  ?? TINOTENDA Soka akasunguri­rwa kuti arege kuzvidya
TINOTENDA Soka akasunguri­rwa kuti arege kuzvidya
 ??  ??
 ??  ?? MINWE nemiromo yaTinotend­a Soka iyo akazvidya
MINWE nemiromo yaTinotend­a Soka iyo akazvidya
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe