Kwayedza

Orovera amai mafetikuku

- Muhamed Komboni

MUKOMANA anogara mumusha weDangamvu­ra, maMutare, akamiswa mudare reko ndokubatwa nemhosva yekuzvamba­radza amai vake mushure mekunge vatadza kunzwanana nenyaya yemari apo akanga atumwa kunotenges­a mafetikuku kana kuti magwinya.

Tafadzwa Mvengi (20) anobvuma mhosva yekurova amai vake, Catherine Yusufu (42), paanomiswa pamberi pemutongi Purity Gumbo wedare reMutare Magistrate Court.

Mutongi Gumbo akatongera Mvengi kuti anofondoka pasina muripo kwemaawa 120 paChikowak­amwe Primary School chiri muDangamvu­ra makare.

Muchuchisi Perseveran­ce Musukuto anoudza dare kuti nomusi wa19 Ndira gore rino, Mvengi akatumwa naamai vake kunotenges­a mafetikuku kumusika weSakubva uri maMutare mekare.

“Rava zuva rovira, Yusufu akapererwa achiona mwana wake achidzoka kumba ari maoko chete, asina mari zvose nemigomo miviri yaakanga aenda nayo akaisira mafetikuku.

“Izvi zvakaita kuti amai nemwana vatadze kunzwanana sezvo Mvengi akatanga kuudza amai vake makobvu nematete pavakamubv­unza nezvemari nemigomo iyi.

“Mvengi anonzi akabva akwakukira amai vake ndokutanga kuvarikita kusvika vadonha pasi. Pedzezvo, ndokuzovag­ara matunduru achivaraka­sha zvisina mukare akamboona,” anodaro muchuchisi Masukuto.

Baba vaMvengi ndivo vakazomhan­ya kunokatanu­ra mwanakoman­a wavo uyo ainge ari mubishi rekurikita amai vake mushure mekunge vanzwa mhere-mhere yaiitwa nevaviri ava.

Mutongi Gumbo akayambira­wo Mvenge kuti aremekedze amai vake kwete kurwisana navo.

“Dare riri kukutonger­a mhosva yemhirizho­nga. Uri mwana mudiki kwazvo, unofanira kuremekedz­a amai vako kwete kushaya rukudzo sezvawakai­ta izvi. Unofanira kudzidza kuva nehunhu hwakanaka kwete kuita zvinhu zvinonyadz­isa kudaro,” anodaro mutongi Gumbo.

Achipawo divi rake mudare, Mvengi anoti haapute zvinodhaka uyezve akazorova amai vake nekuda kwehasha sezvo vakanga vatadza kunzwanana.

“Ichokwadi, ndozvakait­ika, doro ndinonwa asi handipute zvinodhaka. Ndakakanga­nisa mambo wangu,” anodaro Mvengi achiita seachanyun­guduka mudare nenyadzi.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe