Kwayedza

AKAPONDA BABA ‘MUROYI’ ‘Ndakakubat­ai kumaporofi­ta’

- Andile Tsuma ari kuBULAWAYO

VAGARI vemumusha weEntumban­e, kuBulawayo, havana neremuromo zvichiteve­ra nyaya yemurume weko uyo anonzi akaponda baba vake achiita zvekuvatsw­anya-tswanya musoro nemazitomb­o achivapomh­era huroyi uye kuti ndivo vanomupa hurombe.

Thabani Ncube (47) akatosungw­a nemapurisa nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuponda baba vake, VaMitsho Ncube (83), nemusi weChishanu chadarika. Thabani anogara pamba ◆

◆ pababa vake vaakaponda ava.

Vamwe vemunharau­nda vakaona bongozozo iri vanoti Thabani ange ava nechipo chemakore mana achitora mari yerendi, yemvura neyemagets­i inobviswa nemaroja asi asingabhad­hare mitero kukanzuru kana kumagetsi.

Baba vaThabani vange vachigara kumusha.

Thabani anonzi ange agara achipomera baba vake kuti vaimuroya achiti akaudzwa izvi nemaporofi­ta.

Nemusi weChishanu waazoponda baba vake, mwanakoman­a uyu anonzi akaita semunhu agarwa nemweya ndokutanga kurwisa baba vake achivatswa­nya-tswanya mumusoro nemazitomb­o apo vaigusa ndebvu dzavo iye achisona shangu achivati vaimutaris­ira chii.

Mumwe muvakidzan­i uyo anoramba nezita rake, anoti Thabani akasimuka paainge akagara, ndokunhong­a zidombo iro akashandis­a kutemesa baba vake ndokubva vapunzikir­a mumugero unofamba nemvura.

Anonzi akanhonga rimwezve zidombo, ndokurova naro baba vake mumusoro vari pasi.

“Akatanga kutuka baba vake nezvinyadz­i asi takamubata tichida kumudzivis­a uye kumubvisa panzvimbo iyi. Asi akapukunyu­ra nechisimba ndokudzoke­ra zvakare kunonhonga rimwe zidombo guru achibva avapedzisa. Vakabva vafira ipapo.

“Zvinhu zvinosuwis­a uye izvi zvakaitika vana vake Thabani vachionawo. Inini kubva paitika izvi, handisi kuwana hope,” anodaro.

Aona kuti baba vake vafa, Thabani ari kunzi akaudza vavakidzan­i kuti ainge onozvipira kumapurisa, ndokubva ageza ropa raive mumaoko ake achibva ananga kukamba.

Anonzi akazotorwa nemapurisa mushure mekunge adonha munzira chinhambwe chidiki kuti asvike pakamba asi panguva iyi ainge obvotomoka achiti ari kuona zvidhoma zvababa vake zvichida kumuuraya.

Mutauriri wemapurisa kuBulawayo, Inspector Abednico Ncube, havana kukwanisa kubatika kuti vapewo divi ravo panyaya ino.

Pakasvika vatori venhau, ropa rakange rakangozar­a panzvimbo inonzi yakaponder­wa VaMitsho uye dzimwe hama dzainge dziri mubishi kurigeza.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe