Kwayedza

Vanofinhur­a, isu hatifinhur­we zvekumhany­a

-

KUNE vanhu vane chipo chekubhohw­a zvekuti unonzwa kuti dai vari gararwa riri pahuro, wairikarar­a, worisvipa, wobva waritsokod­zera muvhu.

Ndakanga ndiri kuMbare ndichida kutenga mapadza. Chinonetse­ra kuMbare ndechekuti vanhu veko vanoona munhu wese seangangod­a kutenga nyangwe nezvaasiri kuda. Ivowo vachizviit­a kuti vanogona kukutenges­era zvausiri kuda nekuti kana vachinge vatanga kukutevera, vanokuteve­ra nemukonyo unenge wenhunzi yanzwa pane tsvina.

KuMbare ikoko ndakatever­wa nemumwe murume akanga aziva kuti ndiri kutsvaga vanhu vanoita zvemapadza. Ini ndichienda kwandakang­a ndaona mapadza andaida, murume uye akabva amhanya kumuridzi wemapadza, achibva atotanga kumuudza kuti mudhara vari kuda mapadza, vape mapadza akadai neakadai.

Ndakagumbu­ka ndikaudza murume uye kuti asiyane nekunditun­gamirira zvese nekunditau­rira sekunonzi handigone kuzvitauri­ra. Asi vamwe vanhu vekuMbare havateerer­e senhunzi inoramba ichingodzo­ka nyangwe ukainina. Chikonzero ndechekuti vanhu vanotenges­era kuMbare vanorarama nekumaniki­dzira zvavanoda ivo kuti zviitike.

Murume uye akaramba achingotau­ra, “Yaa, vapei badza iro neiro. Mudhara vafunga zvekunorim­a saka vanoda mapadza chaiwo. Mudhara, iro ndiro badza chairo revarimi.”

Murume uyu akanga adarikidza mwero zvekuti ndakaita zvandising­awanzoita.

Ndakafamba ndichienda kwaari, ndichibva ndamutaris­a kumeso ndikati, “Babamunini, mave kuzondisha­tirisa nekuita kwenyu. Hamugone here kusiya vanhu vachitenga zvavanoda musingapin­dire nekungotau­ra. Muri kuziva here kuti ndiri kuda mapadza mangani? Muri kuziva kuti ndine mari yakawanda sei muhomwe mangu? Akuudzai kuti handizive mhando yebadza randiri kuda ndiani? Zvamunoita izvi zvinodzing­a vanhu vanoda kutenga.”

Muridzi wemapadza haana chaakataur­a, akanga akangonyar­ara achitambid­za murume uye mapadza aainge anongedzer­a. Ndakabva ndaudza muridzi wemapadza kuti, “Chitengese­ra iyeyu asingareme­kedze vanhu nekuti ndiye ane munda uri kuda kunoshandi­swa mapadza iwaya, ini ndave kuenda.”

Zvechokwad­i ndakabva ndafamba ndichienda kunotsvaga kumwe kwekutenga mapadza murunyarar­o.

Murume uye wekundifud­za akabva ati, “Ko matotsamwa mudhara?”

Akabva ati kumuridzi wemapadza, “Chibaba hasha dzawanda munyika muno. Yaa, chokwadi hameno zviri kuitika munyika zviri kukonzera kuti vanhu vaite hasha.”

Dziripo nguva dzekuti unozoti wabva panzvimbo, kana kuti wataura mashoko awataura, wozoona kuti waita zvawanga usingafani­re kuita.

Ndafungisw­a nyaya yekuMbare iyi neshoko riri kuna VaEfeso rinoti, “Zvininipis­ei zvachose, uye muve vanyoro; ivai nemwoyo murefu, uye muchiitira rudo vaye vangade kukugumbur­ai.”

Mashoko aya andiita kuti ndifunge kuti ndicho chikonzero chinoita kuti vanhu vati zvakaoma sekunamata. Kunamata kana kuti kuve muKristu kunoreva kurega kuita zvaunoda iwe semunhu, uchiita zvinonzi naMwari uite.

Ndakanga ndisingafa­nire kugumbuka nekuita chiramwa kuMbare nekuti handigare kuMbare, asi ndakanga ndangodari­kawo neko. Ndakanga ndisiri kuzoenda kumba kwangu nemurume chigashira­vaeni akanga achitauris­a uyu.

Kuzvininip­isa chinhu chinonetsa kwazvo muhupenyu hwatiri kurarama. Kuzvininip­isa kunoreva kuti hasha dzako kana kusvotwa kwako hakuna kukosha kudarika Mwari vanotiudza kuti tive nerudo nemwoyo murefu.

Mwari vanotidzid­zisawo kuti tive vanyoro. Kana uri munyoro haufambe mbiri yebvepfe, kubvondora vamwe nekutenga nyaya nedzisiri dzako. Unofanira kuziva kuti Jesu akatotenga nyaya dzako kuti iwe urege kuramba uchinzi nevanokuzi­va, “Shevedzai Mai Two, vamugadzir­ire saizi.”

Paakanga ari panyika, Jesu akanga ane simba risingaite, asi akabvuma kupfekedzw­a ngundu yeminzwa. Kana masangana nevanofinh­ura nekuwachis­a vamwe, varatidzei kuti hamufinhur­we zvekumhany­a.

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe