Kwayedza

Ochemera mukadzi waakapa gupuro

- Courtney Munodawafa

MUMWE mudzimai anoti murume wake anobva muHarare achienda kwaMutoko uko kwaari kugara achiendera kunomushun­gurudza achiti vadzokeran­a zvisinei nekuti ndiye akamupa gupuro.

Angeline Kanavete akamhan’arira McDonald Zvidzai Chinhoyi kudare reHarare Civil Court achikumbir­a gwaro redzviriro.

Kanavete anoti haadi kuona murume wake kubasa kwake zvose nekumba kwevaberek­i vake. Mutongi Tilda Mazhande akapa Kanavete gwaro rinomuchen­getedza.

“Uyu murume wangu asi hatisi kugara tese. Tine makore 23 tiri tose nevana vedu vatatu. Takaregera kugara tose paKirisima­si yegore rapfuura. Dai dare randibatsi­ra murume uyu aregera kuuya kubasa kwangu nekumba kwababa vangu kwaMutoko uko kwandave kugara sezvo achikonzer­esa.

“Ngaasandis­hungurudza, kundituka nekundirov­a. Vana pari zvino vari kumbogara nababa vavo nekuti vakange vabhadhari­rwa mari dzekuchiko­ro kare, asi ndichazova­tora,” anodaro.

Chinhoyi anoti hazviite kuti asaende kwaMutoko nekuti anoda kutauriran­a nevabereki vemudzimai wake pamusoro pekunetsan­a kwavari kuita.

“Ndachinzwa chikumbiro chavo, asi handikwani­se kuregera kusvika kwaMutoko nekuti pane nyaya. Takanetsan­a hongu, ndakatoron­ga kuenda kumba kwavo kuti tinotaurir­ana nababa vake. Handikwani­se kusaenda zvakare kwaamai vake kuBorrowda­le,” anodaro.

Kanavete anobva amugamha achiti murume wake anokwanisa hake kuuya kuzotaurir­ana nevabereki vake zvisinei nekuti akamupa gupuro.

“Kuti vauye titauriran­e ngavauye havo, asi makore maviri apfura vakandirov­a vakandipa gupuro. Ndakazodzo­ka kumba nekuti amai vake vainge vanditenge­ra tiketi kuti tiende kuIsrael, amai vangu vakabva vanditi enda kumurume wako.”

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe