Kwayedza

Bvunzo i$15 – Zimsec

‘Hatina kukwidza mari’

- Joseph Madzimure

ZIMBABWE School Examinatio­ns Council (Zimsec) inoti yakatevedz­era zvakataurw­a neHurumend­e zvekuti idzikise mari dzinobhadh­arwa nevadzidzi pakunyora bvunzo kuenda pa$15.

Zimsec yainge yakwidza mari idzi kubva pa$15 kuenda pa$190 pachidzidz­o chimwe chete cheO-Level uye $351 kubva pa$26 paA-Level. Hurumende inoti kanzuru iyi inofanirwa kubhadhari­sa mari yakatarwa mugore ra2015.

Mukushi wemashoko kuZimsec, Muzvare Nicky Dhlamini, vanoti kanzuru yavo inogamuchi­ra zvakarehwa neHurumend­e uye zvikoro zvose zvinofanir­wa kutevedzer­a zvakataurw­a.

“Mari yekunyora bvunzo iri kuramba iri pa$15 yakare asi hatisati tatumira matsamba kuzvikoro tichivaziv­isa nezveshand­uko iyi.

“Zvikoro zvichawani­kwa zvisiri kutevedza zvakataurw­a izvi, vabereki vakasungun­uka kunomhan’ara kubazi redzidzo,” vanodaro.

Vanoti kanzuru yavo inoshanda iri pasi peHurumend­e nekudaro inotevedze­ra zvose zvainenge yanzi iite.

“Isu tinotungam­irirwa neHurumend­e uye zvainenge yataura ndizvo zvatinoita asi kana pakazove neshanduko, tinotumira matsamba kuzvikoro tichivaziv­isa,” vanodaro Muzvare Dhlamini.

Dzimwe nhubu dzepadande­mutande resocial media dziri kufambisa mashoko emanyepo anoti Zimsec yakaramba kudzikisa mari dzekunyora bvunzo izvo zviri kukonzera nyonga-nyonga uye kushushika­na kwevaberek­i.

Vadzidzi vanoda kunyora bvunzo dzemunaChi­kumi vanopedzis­ira kubhadhara mari musi wa28 Kukadzi uye zuva rekupedza kunyoresa bvunzo dzemunaMbu­dzi musi wa27 Kurume.

Zuva rekupedzis­ira kubhadhara kune avo vanenge vanonoka kunyoresa musi wa15 Chivabvu.

Zimsec yainge yakwidza mari idzi kubva pa$15 kuenda pa$190 pachidzidz­o chimwe chete cheO-Level uye $351 kubva pa$26 paA-Level. Hurumende inoti kanzuru iyi inofanirwa kubhadhari­sa mari yakatarwa mugore ra2015 . . .

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe