Kwayedza

US$: ZACC yoongorora zvikoro

- Nqobile Tshili

ZIMBABWE Anti-Corruption Commission (ZACC) inoti iri kuongorora zvikoro zviri kubhadhari­sa nemari yekunze kwenyika.

Izvi zvinotever­a mashoko anoti varairidzi vepane zvimwe zvikoro zvitanhatu zvemuHarar­e vakabhadha­risa vadzidzi ma”extra lessons” nemaUS$ vakanzi vadzosere mari iyi.

iri kurwisa kuti pave ZAAC nemutemo unorambidz­a maticha kuitisa maextra-lessons vachibhadh­arwa.

ethics and public education ZACC manager, Dr Munyaradzi Magiga, vakazivisa izvi muhurukuro kuBulawayo paiitwa musangano wekutsvaga nzira dzekurwisa huwori weanti-corrption strategy validation workshop.

Vanoti kubhadhari­swa kwemaextra lessons nemari yekunze ratova dambudziko guru munyika.

Dr Magiga vanoti komisheni yavo yakatogadz­irisa dzimwe nyaya kuHarare dzevarairi­dzi vaida mari yekunze kuitisa maextra lessons ndokuvaudz­a kuti vadzosere mari dzacho.

“Takatambir­a nyaya dzakawanda dzimwe kuburikidz­a nemapepanh­au, padandemut­ande redu (website) uye vanhu vaiuya kumahofisi kwedu. Vange vachigunun’una zvikuru kuti varairidzi ava vari kuvabhadha­risa mari dzekunze dzisingate­nderwe kushandisa muno. Varairidzi zvavari kuita ndezvekuti vari kuvabhadha­risa mari kutangira paUS$12 pamwedzi pamwana wega. Kune zvimwe zvikoro mari idzi chikamu che70 percent chinoenda kumurairid­zi, imwe 30 percent yoenda kuchikoro,” vanodaro.

Dr Magiga vanoti kubhadhari­sa mari dzekunze hakutender­wi pamutemo.

“Tange tiri kushanda pamwe chete naprovinci­al education director uye gurukota redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, ndokuudza zvikoro zvitanhatu zviri muHarare kuti zvidzosere vabereki mari vainge vakabhadha­ra maextra lessons. Takazivisa vakuru vezvikoro kuti vabereki vasainiswe mapepa ekuratidza kuti vadzoserwa mari dzavo,” vanodaro.

Dr Magiga vanoti kana varairidzi vakasateve­dzera izvi, vachasungw­a voendeswa kumatare edzimhosva.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe