Kwayedza

Vatema vaishungur­udzwa

- Munyaradzi Gunduza

TINOPEDZIS­A mubvunzo watakatang­a svondo rapfuura unoti: Zvinhu zvinoita kuti vanhu vatema vaende kuhondo nevachena.

Kusungwa zvisina tsarukano — vakomana vaive muchitima vachiratid­za kuti vaienda kunopinda muhondo yeChimuren­ga vanosungwa nemapurisa nemasoja vave maRusape nekuti vaive vasina zvitupa. Pakarepo, vanobva vasungwa ndokudzikw­a navo maRusape imomo. Izvi zvimwe zvinhu zvinoita kuti Kuda pachake anyanye kuvenga vaRungu ndokusaka tichizoona apindawo munyaya dzehondo kumberi. Munhu mutema aiti kana achinge asungwa, haaipihwa mutongo pamberi pedare asi aibva atongotsak­atika akadaro.

Kurohwa — vakomana vanenge vari muchitima chaienda kwaMutare vasina zvitupa vanorohwa zvakaomara­ra nemapurisa nemasoja vasati vadzikwa navo. Tinoona zvakare vamwe vanhu vachirohwa nemasoja nemapurisa munzira vari mubhazi kuenda kuChipinge pavaikanga­nisa nhamba dzavo dzezvitupa. Tinonzwa kuti vamwe vanhu vaienda kuChipinge vairohwa nemapurisa aSmith nekugaro repfuti zvekuti vaizonetse­ka kukwira mubhazi zvakare. Masoja aipinda mupovho achishungu­rudza vanhu kuburikidz­a nekuvarova kana magandanga achinge adzokera kumabhesi awo.

Kutorerwa zvekudya — panguva inenge ichienda Kuda kuChipinge, bhazi raanokwira rinomiswa munzira nemapurisa, vanhu vachitorer­wa upfu, nyama, shuga nezvimwe zvekudya vachinzi vaida kunozvipa magandanga. Izvi zvinoita kuti Kuda ashumbe kuburitsa misodzi achiona zvakadai zvinove

zvakazomup­awo shungu dzekuenda kuhondo.

Kuiswa mumakipi — tinonzwa kuti vachena vaiisa vanhu mumakipi sezvakanga zvave kuda kuitwa vanhu vemudunhu rekumusha kwawanaKud­a kuChipinge.

Kupisirwa dzimba nematura – Josiah a notaura achiti masoja akasvika pamusha akashaya munhu anobva apisa dzimba nematura. Izvi tinoona vachizviit­a pamusha pavanaKuda pavanoshay­a vanhu avo vainge vatizira muchikomo ndokubva vatanga kupisa dzimba pamwe chete nedura. Izvi zvinoita kuti Kuda atange kuchema zvikuru ari mugomo kudaro.

Kurumiswa nembwa — pamusangan­o wekugadzir­ira kuchema mukuru wezvemeato­ngerwo enyika VaChitepo kuHighfiel­ds, masoja nemapurisa anosvika painge pakaungana vanhu vachivarum­isa nembwa.

Kushunguru­dzwa kwevatema nevatema vaishandis­wa nevachena — vachena vaishandis­a vamwe vanhu vatema kuti vavabatsir­e kurwisa vatema vaivapandu­kira sezvatinon­a kuBurma Valley kwaive nevatema vakawanda vaibatsira vachena kurwisa vatema. Vatema vaiitiswa izvi vaidaro nekuti vainge vachipihwa mari. Ndizvo zvimwe zvinotambu­dza Kuda chaizvo kusvika azoendawo kuhondo.

Kurambidzw­a kuita misangano yezvematon­gerwo enyika — Komuredhi Kadiki vakanga vaenda kuhondo vari mwana mudiki kwazvo nenyaya yekuti vabereki vavo vakanga vatiza muZimbabwe vachienda kuZambia pavanoramb­idzwa kuita musangano wezvematon­gerwo enyika ndokuzobva­ko vopoterazv­e kuMozambiq­ue.

Svondo rinouya tinotanga mumwe mubvunzo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe