Kuumba mutauro
SVONDO rino tichaita chidzidzo chiri maererano nezvekuumba mutauro weChiShona. Muchasiirwa basa rekuita iro munofanirwa kutumira mhinduro dzenyu dzamunofunga kuti ndidzo dzinopindura mibvunzo iyi zvakanaka. Vana vechikoro chete kubva pafomu 1 kusvika 4 ndimi mune kodzero yekutumira.
Unofanira kunyora zita rako, zita rechikoro chaunodzidza, fomu yauri, foni number dzako neadhiresi yekwaunogara.
Munofanira kutumira mhinduro dzenyu panhare dzeKwayedza dzinoti 0714 200 007 kana 0772 491 827 email inoti phillipa.conhoi@zimpapers.co.zw uye achapindura mibvunzo inobuda muchikamu chino zvakanaka katatu kakatevedzana pamwedzi achawana mubairo webhuku rekuverenga.
Kuisa mazita mumipanda:
Rumwe ruzivo maererano nezvemazita makaruwana kuzvikoro zvenyu. Mazita anogona kuiswa mumipanda yawo kuchishandiswa nzira dzokuisa mazita mumipanda sokuti: 1. Chivakashure chakafanana Pakuisa zita mumipanda tinotarisa kuti chivakashure chezita chakafanana nechemipanda yemazita sokuti:
vana, vanhu, varume; mupanda (2) chivakashure apa ndi va
musikana, mukomana, munhu; mupanda (1) chivakashure apa ndi mu
Pane dzimwe nguva panozoitawo mamwe mazita asingapindi mumipanda iyoyo asi ane chivakashure chakafanana. Izvi zvinenge zvava kuda kuti ushandise dzimwe nzira kuti ukwanise kupatsanura mazita iwayo uchiaisa mumipanda yaanokodzera kupinda.
Basa rokuita:
Doma zvikonzero zvina zvekuisa mazita mumipanda yawo uchipa mienzaniso inokodzera pachikonzero chimwe nechimwe. [12]
Uchishandisa zvikonzero zvawadoma pamusoro, isa mazita anotevera mumipanda yawo: tete, chikoro huroyi, mberi ruoko, vasekuru
VaChafa, kasikana, Takunda Chembere, mwena zana, gomana, svana nzizi, muramu nyoka, mhuka, rwiyo, gomba vana, rwenga kure, meno twiza [12]
Mhinduro dzenyu dzese dzamunotumira dzinenge dziri dzacho tichadziburitsa svondo rinouya pamwe chete nemhinduro dzinenge dzichitarisirwa. Kana mwedzi uchinge wapera, tinodoma mudzidzi anenge ahwinha bhuku zvichitevera mhinduro dzakanaka dzaanenge apa kwemasvondo akatevedzana.
Tinokuzivisai zita rake kubva pane vanotumira mhinduro dzakanyanya kunaka. Kana usati wambopinda mumakwikwi aya unokurudzirwa kufambidzana nevamwe kuti usasaririre shure semuswe.