Kwayedza

Kuumba mutauro

- Munyaradzi Gunduza

SVONDO rino tichaita chidzidzo chiri maererano nezvekuumb­a mutauro weChiShona. Muchasiirw­a basa rekuita iro munofanirw­a kutumira mhinduro dzenyu dzamunofun­ga kuti ndidzo dzinopindu­ra mibvunzo iyi zvakanaka. Vana vechikoro chete kubva pafomu 1 kusvika 4 ndimi mune kodzero yekutumira.

Unofanira kunyora zita rako, zita rechikoro chaunodzid­za, fomu yauri, foni number dzako neadhiresi yekwaunoga­ra.

Munofanira kutumira mhinduro dzenyu panhare dzeKwayedz­a dzinoti 0714 200 007 kana 0772 491 827 email inoti phillipa.conhoi@zimpapers.co.zw uye achapindur­a mibvunzo inobuda muchikamu chino zvakanaka katatu kakatevedz­ana pamwedzi achawana mubairo webhuku rekuvereng­a.

Kuisa mazita mumipanda:

Rumwe ruzivo maererano nezvemazit­a makaruwana kuzvikoro zvenyu. Mazita anogona kuiswa mumipanda yawo kuchishand­iswa nzira dzokuisa mazita mumipanda sokuti: 1. Chivakashu­re chakafanan­a Pakuisa zita mumipanda tinotarisa kuti chivakashu­re chezita chakafanan­a nechemipan­da yemazita sokuti:

vana, vanhu, varume; mupanda (2) chivakashu­re apa ndi va

musikana, mukomana, munhu; mupanda (1) chivakashu­re apa ndi mu

Pane dzimwe nguva panozoitaw­o mamwe mazita asingapind­i mumipanda iyoyo asi ane chivakashu­re chakafanan­a. Izvi zvinenge zvava kuda kuti ushandise dzimwe nzira kuti ukwanise kupatsanur­a mazita iwayo uchiaisa mumipanda yaanokodze­ra kupinda.

Basa rokuita:

Doma zvikonzero zvina zvekuisa mazita mumipanda yawo uchipa mienzaniso inokodzera pachikonze­ro chimwe nechimwe. [12]

Uchishandi­sa zvikonzero zvawadoma pamusoro, isa mazita anotevera mumipanda yawo: tete, chikoro huroyi, mberi ruoko, vasekuru

VaChafa, kasikana, Takunda Chembere, mwena zana, gomana, svana nzizi, muramu nyoka, mhuka, rwiyo, gomba vana, rwenga kure, meno twiza [12]

Mhinduro dzenyu dzese dzamunotum­ira dzinenge dziri dzacho tichadzibu­ritsa svondo rinouya pamwe chete nemhinduro dzinenge dzichitari­sirwa. Kana mwedzi uchinge wapera, tinodoma mudzidzi anenge ahwinha bhuku zvichiteve­ra mhinduro dzakanaka dzaanenge apa kwemasvond­o akatevedza­na.

Tinokuzivi­sai zita rake kubva pane vanotumira mhinduro dzakanyany­a kunaka. Kana usati wambopinda mumakwikwi aya unokurudzi­rwa kufambidza­na nevamwe kuti usasaririr­e shure semuswe.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe