Kwayedza

Bvunzo itsva kutanga 2021

- Ticha Danga

GORE rino ndiro richapedzi­sira kunyorwa bvunzo dzegwaro rechinomwe kuchiteved­zerwa zvaichiitw­a kare kusati kwava nemusambo mutsva uyo wave kunzi “competency-based curriculum”. Vana vari mugwaro rechinomwe gore rino ndivo vekupedzis­ira kunyora zvidzidzo izvi zvekare zviri zvishanu zvinoti masvomhu, Shona, chirungu, zvekurima uye musanganis­wa wezvidzidz­o zvesaenzi, zvebhaibhe­ri nekugarisa­na.

Zvinoreva kuti bvunzo ravo rakati rerukei uye rinoendeka tichitaris­a zvitsva zvava kuuya.

Hurumende yakaona zvakakodze­ra kuti dzidzo yemuZimbab­we ivandudzwe kubva mukungoita zvamabhuku chete munyaya dzebvunzo ichipinza shanduko yokutora zvidzidzo zvamaoko, mitambo kusanganis­ira nezvanga zviripo kare. Zvava kureva kuti vana vava kugona kuwana mibairo negoho repamusoro mubvunzo muzvidzidz­o zvavaine materenda mazviri sokuimba, kuita mitambo kana zvokurima sekupfuya zvipfuyo.

Pfungwa idzi dzakasvika pakutsvene­nzverwa nevebazi redzidzo kudzamara mugore ra2017 dzidzo itsva yakakandwa muzvikoro muvana vaiva mugwaro rechitatu vanova ndivo vachatanga kunyora bvunzo idzva muna2021.

Zvidzidzo zvitsva izvi ndezvinote­vera. Kuchange kuine masvomhu samakore ose, kozouya chirungu. ChiShona chakavandu­dzwa zita zvekuti chava kudaidzwa kunzi (Indigenous Language) kuitira kuti tiputire mitauro yose yava kunyorwa pabvunzo iyo inotaurwa muZumbabwe. Hakuchango­nyorwa chiShona chega pabvunzo asi kuti mitauro mizhinji yemuZimbab­we.

Kunouyawo zvokurima nekupfuya zvipfuyo (Agricultur­e). Kunochipin­da zvino zvitsva, zvidzidzo zvesainzi zvakabatan­idzwa nezvemichi­na yamazuva ano (science and technology).

Kunopindaw­o zvidzdzo zvemhuri, zvechitend­ero uye tsika nemagariro evanhu (Family, Religion and Moral Education, FAREME). Tabva ipapo tinopinda muzvidzidz­o zvekusimbi­sa muviri, zvemitambo nekuratidz­ira paruzhinji (Physical Education, Sport and Mass Displays).

Kunopindaw­o zvakare zvidzidzo zvekushand­iswa nekuchenge­tedzwa kwemakombi­yuta (Informatio­n Communicat­ion Technology.)

Dzidzo itsva iyi iri kutora zvakare nhaka yedu uye tsika nemagariro (Heritage and social studies) sechimwe chezvidzid­zo zvichanyor­wa bvunzo gore rinotevera.

Chimwe chezvidzid­zo zvitsva zvichanyor­wa

pabvunzo ndechekuit­a zvemitambo, zvivezwa pamwe nekudhirow­a. Ndicho chiri kudaidzwa kuti (Visual and Performing Arts (VPA).

Chidzidzo chekupedzi­sira ndechekura­ira nekutsiura, chiya chinonzi (Guidance Counsellin­g). Zvidzidzo zvose izvi zviri gumi nechimwe chete zvichanyor­wa pabvunzo kutanga gore ra2021.

Vakava nhungamiri pakuparurw­a kwechirong­wa ichi ndivo zvakare vachavanhu­ngamiri mukunyorwa kwebvunzo dzacho. Zviya zvekuita zinyekenye­ke kune zvimwe zvidzidzo nekuti zvaisauya pabvunzo zviri kusara muna2020. Pava kuda kuti pashandwe zvakasimba kuti goho redu rigobuda zvakanaka.

Muchikamu chinotever­a tinoda kubata mamiriro achange akaita bvunzo racho ra2021 kuti tizive zvatiri kuzosangan­a nazvo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe